Uncategorized

Mudzimai wejongwe akatiza

31 Dec, 2020 - 14:12 0 Views
Mudzimai wejongwe akatiza Mai Rufaro Hunzvi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wekurumiswa nejongwe rehuku nevaridzi vepamba paanoroja kuMufakose, muguta reHarare, achinzi anononoka kubhadhara mari yemvura nemagetsi anoti akazotiza pamba apa sezvo ange ongoona masaramusi nekugarodzingirirwa nehuku iyi.

Mai Rufaro Hunzvi (28) – avo vaigara pamba iri mumugwagwa waMuzhanje – vakabuda muKwayedza svondo rapera mushure mekunge varumiswa nejongwe nevaridzi vemba.

Mudzimai uyu akarumwa nejongwe iri zvekusara akuvara mumakumbo nemaoko uye akasvikirwa nevatori venhau maronda acho achitobuda ropa.

“Kubva pandakarumwa nejongwe paye handina zororo, ndiri kungoona varidzi vemba mumba mangu. Asi ndikada kutaura navo havandidavire, ndinozongovashaya kuti vaenda kupi,” vanodaro Mai Hunzvi.
Vanoenderera mberi vachiti, “Muviri wangu uri kugara uchifamba zvinhu zvandisingaone uye makumbo ave kuzvimba kunyangwe maronda aye ekurumwa akapora.”

Mai Hunzvi vanoti pane vanhu vakanzwa nezvedambudziko ravo kuburikidza neKwayedza avo vakazovatora kuti vanogara navo kumba kwavo kuBudiriro 5, muguta reHarare.

“Pane munhu akanzwa tsiyo nyoro anzwa dambudziko rangu muKwayedza ndokutitsvaga akatitora kuti tinochengeta kumba kwake kuBudiriro 5. Asi dambudziko ndere kuti muviri wangu uri kupera simba saka ndinoda kubatsirwa,” vanodaro Mai Hunzvi.

Sekuru Benesi Aiti (88) vanova muridzi wepamba pairojwa naMai Hunzvi vanoti zvose zviri kutaurwa nemudzimai uyu manyepo kunyangwe zvavo pekutanga vakabvuma kuKwayedza kuti mudzimai uyu vakamurumisa nejongwe ravo.

“Amai ava nemhuri yavo vakabva pamba pangu asi zvose zvavanotaura izvo inhema.
‘‘Munhu anoda kutsvaga kunzwirwa tsitsi nevanhu, vana vadiki ngavatsvage mari vavake dzavo dzimba kwete kuda kutisvibisa mazita edu. Hatisi varoyi isu, anotiona kupi zvaanoti anotiona mumba make?” vanodaro Sekuru Benesi.

Vanoti Mai Hunzvi pose pavanoroja vane mbiri yekusiya varwisa varidzi vedzimba.
“Takafurwa nemhepo pakabva mudzimai uyu nemhuri yake pano pamba pedu nekuti anga atinetsa. Jongwe rangu ndinaro uye handiribvise kana kuriuraya, ndave kuda kutoritsvagira dzimwe huku sheshe kuti dziwande,” vanodaro Sekuru Benesi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey