Mukadzi wekuzvara datya obvakachirwa nematatya

03 Apr, 2024 - 15:04 0 Views
Mukadzi wekuzvara datya obvakachirwa nematatya Mai Chipo Tigere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wemuHarare, uyo kumusha anobva kwaMambo Neshangwe, kuChivhu – wekuti akasununguka datya benyu kubva pamuviri paaiva napo – anoti atarisana nemamwe matambudziko makukutu ekushanyirwa nematatya akawanda emhando dzakasiyana pamba paanoroja.

Mai Chipo Tigere (41) vanoti vakasununguka datya apo vakanga vaenda kunobatsirwa nemumwe muporofita kuDzivaresekwa Extension.

Mudzimai uyu anoti panguva yaaibatsirwa pamwe chete nemamwewo madzimai aiva akazvitakura, akazonzwa kurwadziwa nemudumbu sekunge ava kuda kusununguka achibva azvara datya.

“Hongu datya ndakarisununguka tikaripisa, ndikabva ndazotama pamba pandaigara ndikaenda kumwe. Dambudziko ravapo nderekuti kumba kwandinogara kutsva uku pachivanze pevaridzi nepamusiwo pangu pava kufuma pakazara matatya, handizive kuti zvine chekuita here nedambudziko rangu rekuti ndakazvara datya,” vanodaro Mai Tigere.

Vanoti matatya aya ari kuuya akawanda zvekudarika gumi osvikonanga padhoo repamba pavo pasina kuenda kudzimba dzevamwe.

“Mukati mematatya aya ndinoona rimwe rakaita serandakazvara chairo, handizive kuti ndiro here kana kuti kufanana. Kune rimwe hombe aye anonzi madzetse rinoti husiku hwega-hwega rinouya nguva dzekuma 1 kana 2 mangwanani rosvikomara dhoo rozotanga kuchema kusvikira kunze kwaedza. Ndinotya kumuka kuti ndiri tandanise,” vanodaro.

Matatya

Mai Tigere vanoti pavanomuka mangwanani vava kuda kutsvaira panze, vanowana zidatya iri raenda rasiya raitira tsvina nekusvipira mate pamukova.

“Mamwe matatya akawanda aya anouya chero nguva, angava mangwanani kana masikati, uyewo nezuva rodoka anowanzofamba akaita mudungwe. Ukaedza kuanakura anofuta sezvinoita nyoka zvekuti unobva watya, anozobuda oga kunze kwechivanze panguva yaanoda ndozongoashaya. Ukabvunza mamwe maroja vanoti havamboaona.”

Mudzimai uyu anoti ava kutyira kuti varidzi vemba, avo vanogara kumusha, vanozouya vachiona matatya aya zvozoita kuti iye adzingwe paava kugara.

“Ndiri kuenda kunobatsirwa kuna bishop veimwe chechi muHarare avo vakatanga kundibatsira mudambudziko rangu pandakazvara datya. Vari kuti munhu wandiri kurwisana naye haana kuzorora kunova iko kuri kubva matatya aya,” vanodaro Mai Tigere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey