MUKOMBE NDEWANI? DeMbare, Harare City zvadzvokora Chibuku

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
MUKOMBE NDEWANI? DeMbare, Harare City zvadzvokora Chibuku

Kwayedza

KUNOTSVA demo kuchisara mupinyi neMugovera uno kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, apo Dynamos FC ichatsapfurana neHarare City mutambo wekutora mukombe weChibuku Super Cup.

Mutambo uyu unotarisirwa kunakidza kukunda ngoma kurira sezvo murairidzi weHarare City, Taurai Mangwiro, achange achisangana nechikwata chaakambotambira – cheDeMbare – icho pari zvino chiri kurairidzwa naTonderayi Ndiraya.

Mangwiro akatamba nhabvu inonwisa mvura kuDeMbare uye mumoyo make anogona kunge achiremekedza chikwata ichi sezvo chiri icho chakamurera nekumupa mukurumbira.

DeMbare kana kuti Glamour Boys yakarasa mikana yakawanda kuti idzokere pamusoro peCastle Lager Premier Soccer League izvo vazhinji vanofungidzira kuti zvichaitadzisa kutora mukombe uyu mwaka uno.

Zvikwata zviviri izvi zvakapinda mufainari yemutambo uyu zvichitevera kuhwina kwazvakaita apo maHarare City yakarakasha ZPC Kariba 4-1 kozoti Dynamos ikakwapaidza Chapungu 1-0.

Harare City mwaka uno yange iine hukasha hukuru mumutambo uyu nekuti mupfungwa dzayo ichiri nendangariro dzekukundwa kwayakaitwa neFC Platinum gore radarika mufainari iyo yavakachema-chema kuti vakabirirwa.

Gore radarika, Harare City yakapotsa nepadiki yatora mukombe uyu mushure mekunge yatungamira asi yakazodzorwa mutambo wave pedyo nekupera izvo zvakaita kuti vaende mumabhora emugadzikirwa umo yakazokundirwa neFC Platinum.

Muongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino yematambiro akamboita zvikwata zviviri izvi pazvakasangana mwaka uno mumitambo yemuPSL, yose yakapera iri mangange 0-0.

Kubva Harare City ichidzoka muPSL mugore ra2012, yasangana neDeMbare kasere ikahwina kamwe chete, ikakwanisawo kuita mangange katatu uyewo ndokukundwa kana.

Asi matambiro emuPSL haarevi chinhu sezvo kana yave mitambo yemukombe yakasiyana nekuti chero chipi chikwata chinogona kuhwina.

Svondo radarika apo DeMbare yakaita mangange 1-1 neFlame Lily kuLafarge muHarare, maneja wechikwata ichi, Richard Chihoro, akati vave kutorwa semvumba kuti vahwine mukombe weChibuku Super Cup uyu.

“Tiri kuita gadziriro dzedu dzemutambo weChibuku Super Cup.

“Mukombe uyu wakakosha zvikuru nekuti tikauhwina gore rinotevera tinowana mukana wekukwikwidza mumitambo yemuAfrica,” akadaro Chihoro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMangwiro pamwe nevamwe vatungamiri vechikwata ichi kuti inzwe kuti gadziriro dzavo dziri kufamba sei sezvo vakange vasingadaire nhare dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey