Mukombe wePSL ndewani?

09 Nov, 2023 - 19:11 0 Views
Mukombe wePSL ndewani? Takesure Chiragwi

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA weCastle Lager Premier Soccer League wa2023 wasarirwa nemitambo mitatu chete kuti upere uye mubvunzo uri pamiromo yevatsigiri venhabvu vazhinji ndewekuti mukombe uyu uri kuenda kuchikwata chipi.

Pari zvino Ngezi Platinum yakabata mukombe uyu neruoko rumwe chete sezvo iriyo iri kutungamira palogo ine zvibodzwa 57 kubva mumitambo 30, ichiteverwa neDynamos iyo ine zvibodzwa 50 kubva pamitambo 30 zvekare.

Nemusi weChitatu pakadhindwa bepanhau rino, Ngezi Platinum yaitatsurana neSheasham kuBaobab Stadium kuMhondoro kuchiti Dynamos yaitamba neFC Platinum (iyo yakagara pechina palogo) kuMandava.

FC Platinum, shasha yePSL ine mukombe uyu, ine zvibodzwa 50 kubva pamitambo 30.

Pari zvino zvikwata zvina zvinoti Ngezi Platinum Stars, Dynamos FC, Manica Diamonds neFC Platinum zvose zvine mukana wekuhwina mukombe wePSL wegore rino.

Asi mukombe uyu uri kunyanya kurerekera kuMadamburo (Ngezi) iyo iri kungoda kuhwina mitambo miviri chete pane mina yasara kuti isimudze mukombe weligi.

Kana Ngezi ikakwanisa kukunda Sheasham, inenge yave kungonda kukunda Simba Bhora, iyo iri kutungamirirwa neaimbove murairidzi wayo — Tonderayi Ndiraya — nemusi weMugovera.

Nemamiriro azvakaita, Ndiraya anogona kupa mukombe wePSL kuNgezi asi hunge kana chikwata chake chikakundwa mumutambo uyu.

Asi pane nyaya sezvo akambodzingwa nechikwata ichi chiri pakati pekurwira mukombe wePSL mugore ra2018.

Gore rino, chikwata chichahwina mukombe wePSL chinobva chawaniswa tikiti rekunokwikwidza mumutambo weCAF Champions League mwaka unotevera.

Zvikwata zvemuno zvange zvave nemakore zvisingatenderwe kukwikwidza mumitambo yemuAfrica sezvo Zimbabwe yainge yakatemerwa zvirango neFIFA pamwe chete neCAF.

Masvondo adarika, murairidzi weDynamos FC – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – akati chikwata chake chicharwa semvumba chichirwira mukombe wePSL neweChibuku Super Cup.

Genesis ‘Kaka’ Mangombe

“Hakuna chikwata chinotambira nhabvu kukundwa, isu tiri kutoidawo mikombe yese iri kutambirwa uye ticharwa semvumba kusvika taihwina yese,” akadaro Kaka.

Mitambo ichatambwa svondo rino ndiyo inogona kutaridza kuti mukombe wePSL uri kuenda kuchikwata chipi apo pachaona Ngezi Platinum ichisangana neSimba Bhora kuBaobab Stadium nemusi weMugovera, kuchiti Dynamos FC ichatamba neChicken Inn kuNational Sports Stadium nemusi weSvondo.

FC Platinum iri kuenda kuBaobab Stadium uko ichanosangana neYadah nemusi weSvondo.

Kwayedza yakazama kutaura nemurairidzi weNgezi Platinum – Takesure Chiragwi – kuti inzwe kuti gadziriro dzachikwata chake dziri kufamba sei uyo asina kukwanisa kutaura zvakawanda.

“Panguva ino ndakabatikana zvikuru, ngatizotaure ndakasununguka nekuti iye zvino ndiri kumhanya kuita gadziriro dzechikwata changu.

“Tozotaura ndasununguka,” anodaro Chiragwi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey