Mukuwasha akarohwa naambuya. . . ndokutiza musha achisiya mhuri

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
ZVEKUNYARANA zvakambosendekwa apo mukuwasha akazvambaradzwa kurohwa naambuya vake zvekusvika pakutiza musha wake mushure mekunge avafonera achiti vauye vazotora “pfambi yavo” apo aireva mukadzi wake.

Izvi zvakaudzwa mutongi wedare reHarare Civil Court, Marehwanazvo Gofa, apo Fungai Khumalo akamhan’arira murume wake Donald Musengezi achiti anomurova nekumudzinga pamba.

“Unouya kumba uchindirova asi iwe wakatiza musha uchienda neshamwarikadzi yako. Unouya kuzondirova kuti ndakakutadzirei chaunongoti ukafunga nezvazvo wotuuya wondikinditsa?”

“Kana zvakakwidza anouya nemukadzi wake nevanhu vanenge vachida kutenga imba otanga kundituka achindiudza kuti ndibve pamba patakatenga tiri vaviri. Unoti vana vako vanogara mumba maani?” akadaro Khumalo.

Musengezi akabvuma nyaya yekuti anoda kutengesa imba achiti vanozogovana mari yacho nepakati kana yatengwa asi akaramba kuti anogara achirova mukadzi wake.

“Kana iri nyaya yekutengesa imba handirambi. Ndinoda kuti ndikaitengesa mari yacho ndokupawo chidimbu. Handioni chiri kunetsa ipapo. Iwe unoda kugara muimba yatakatenga kuti ugoita zvikomba zvako mumba mangu?

“Kukurova nekukutuka kunyepa chaiko. Handiti amai vako ndivo vakauya vakandirova ndavashevedza kuti vauye kuzotiyananisa ndikabuda mumba ndichitiza? Kutaura kuno handina kana mbatya dzekuchinja,” akadaro Musengezi.

Khumalo akabva amugamha achiti akarohwa naamai vake nekuti ndiye akange avafonera achiti vauye kuzotora pfambi yavo (kureva iye Khumalo).

“Iwe ndiwe wakavatanga, wakavafonera uchiudza amai vangu kuti, ‘Huyai mutore hure renyu’. Ndiri hure here ini? Ungaudza amai vangu mashoko akadaro iwe?” akadaro Khumalo.

Mutongi Gofa akapa Khumalo gwaro redziviriro ndokuti imba yavo isatengeswa pasina kuwirirana kwavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey