Uncategorized

Mukuwasha onenerwa kudanana naambuya . . . inhema, hatidanane isu: Mukwambo

07 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Mukuwasha onenerwa kudanana naambuya  . . . inhema, hatidanane isu: Mukwambo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUNE mashoko ari kutenderera munharaunda yeChegutu nepadandemutande ari pamusoro pemurume weko uyo anopomerwa kudanana naambuya vake, amai vemudzimai.

Nyaya iyi inonzi yakatomboita kuti ambuya ava vamboramwa kuuya kurufu pakashaya mwanasikana wavo uyu svondo rapera.
Nemusi weChipiri svondo rapera, Kwayedza yakashanyira komboni yepaLionsvile Farm kana kuti Nyadzonya iri kuChegutu kuti izvinzwire nyaya iyi.

Nyaya iyi iri kutenderera kana padandemutande.
VaJames Konde (54) ndivo vari kunzi vanopengesana murudo naambuya vavo vanove amai vemudzimai wavo, Ronica Konde (34), uyo akafa svondo rapera.

Kwayedza yakasvika parufu rwaRonica ndokuwana pangosara vanhu vashomanana vehukama zvichitevera kuvigwa kwemushakabvu nemusi weSvondo.

Ronica akasiya vana vatatu – vakomana vose vanoti ane makore 16, 12 neane manomwe okuberekwa.
VaKonde vari kurambisisa nyaya iyi vachiti havana kumbobvira vakapinda murudo naambuya vavo avo vavasina kuda kudura zita ravo pamwe nenhamba dzavo dzenhare.

Meka Konde

“Handichaziva kuti ndivanatsano here avo vakanga vachinetsera mari yeroora mushure mekushaya kwehanzvadzi yavo nekuti pano pakamboita bongozozo guru nemusi weSvondo tisati taviga mudzimai wangu. Vanatsano vakanga vachiti havapinde mumusha kana vasina kupihwa US$30 yekuridza mhere (kuziviswa kuti hama yavo yashaya).

“Ini ndiri murombo zvekuti kana mari yavaitaura iyi ndainge ndisina semunhu akarwarirwa kwegore rose nechidimbu. Mudzimai wangu ainwa mapiritsi emaAnti-Retroviral Drugs asi hurwere hwakazomugombera ndokubva azoshaikira mumba,” vanodaro.

Asi pakutanga, VaKonde vakanga vamboudza Kwayedza kuti mudzimai wavo ainwa mapiritsi ekusimbisa muviri anonzi maApetito apo vakabvunzwa chikonzero chakamuuraya, ndokuzotaura zvimwe vachiti maARV.

Vanoti zvekare “vaidyidzana” zvakanaka naambuya vavo sezvo vaitombovashanyira pamusha apa vachiuya kuzoona murwere uye vakatombovatengera nharembozha.

VaKonde vanoti vamwe vavanoshanda navo ndivo vakazouya vakabatsira kudziva bopoto raive parufu rwemudzimai wavo kuburikidza nekubhadhara US$20 yemhere inova yakatambirwa nemadzitezvara avo.

“Ini ndaizviramba kuti vanatsano ava vange vachireva pfuma kwandiri nekuti mudzimai wangu uyu akarerwa kwanasekuru vake kunova kwandakaroorera, saka handaida zvekurodzwa kaviri. Pamusoro pazvo, vanatsano ava havazi vemutupo mumwe chete nemudzimai wangu sezvo vaina baba vavo zvisinei nekuti amai vavo ndevamwe chete.

“Saka kungozoona vanhu vouya vachireva pfuma panhamo kunoti netsei nekuti kunyangwe iye mudzimai wangu panguva yaairwara vakambouya vachimuona ndipo pavakatanga kuzivana sezvo amai vavo vaivavanzira,” vanodaro.
Ronica akavigwa kumakuva ari pedyo nepurazi iri uye pamusoro peguva rake pakaiswa mutsvairo, ndiro nedhaka iro rinonzi vehukama hwake vaiti vachazouya votora kunoita chivanhu chekunoriviga kumusha kwavo.
Hanzvadzi yaVaKonde, Diana Konde, inorambisisa zvekare kuti nyaya dzemakunakuna dziri kutaurwa idzi dzakaitika mumusha mavo.

“Hanzvadzi yangu munhu wandinoziva uye haana kumbobvira akadana naambuya vake, haana hunhu hwakadaro. Hongu, munhu akamboroora mamwe madzimai achienda anova akatosiyawo vamwe vana pano asi zvekudana naambuya kwete.
“Pamwe vanhu vane ruvengo nesu kana kuti vanatsano ivava vaida mari vakabika nyaya, tingati kudii?” anodaro.
Meka Konde anove mwanakomana waVaKonde anorambisisawo zvekare nyaya yekuti baba vake vakaita makunakuna naambuya vavo.

“Chandinoziva ndechekuti amainini vangu vainetsana naamai vavo zvakanyanya zvekuti vaitoti havatsike pamusha pano vachiti akandituka uye aisavatengerawo chikafu semunhu akaroorwa.
“Panhamo, vakamboda kuramba kuuya ambuya ivavo asi vakazozvidzora mushure mekunyengetedzwa vakauya.
“Ndivo vaitotuka vanatsano vainetsera mari vachiti regedzai kudaro tivige mwana murunyararo mozotaura zvemari taradzika munhu,” anodaro.

Mumwe muvakidzani waVaKonde, Samuel Maduwe, anotiwo: “Mudhara uyu tagara naye kwemakore anodarika gumi muno mukomboni asi nyaya yekuti akambodanana naambuya hatiizive nekuti ambuya vacho vanogara kuNorton.

“Hongu, zvinogona kunge zvakaitika nekuti hakuna munhu angabvuma nyaya inomuwisira pasi asi umbowo huri kunetsa kubuda sezvo muridzi wenyaya ari kuiramba uye ambuya vacho vakatodzokera kumba kwavo nezuro (Muvhuro) uye hapana ane nhamba dzavo dzenhare kuti munzwe rutivi rwavo.”

Zvichakadai, munharaunda iyi munonzi mune nyaya dzakawanda dzekutorerana madzimai zvinova zvinopa mikana yekutapurirana zvirwere zvepabonde.

Vamwe vanoti nyaya dzekuwanda kwemabhizimusi akadai sekutengesa zvinhu zvakasiyana uye kuvepo kwezvicherwa zvinokwezva makorokoza ndizvo zvimwe zvinorunzira hunzeza, pakati pemamwe mabasa akaipa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey