Munhu, chifumuro nebute

06 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Munhu, chifumuro nebute Chifumuro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBVIRA nakare, pachivanhu mushonga wechifumuro nebute zvinoshandiswa zvakasiyana izvo zvinosanganisira kufumura zvinhu zvakaipa.

Chifumuro nebute zvinonzi hazvina kusiyana pamashandiro azvo sezvo zvose zvichifumura zvinhu zvakaipa zvingade kusangana nevanhu panzvimbo dzavanenge vari.

VaTaurai Mashonganyika Mhofu (32) vanotengesa mishonga yechivanhu yakasiyana kumusika wemukambo uri kwaMachipisa, kuHighfield muHarare asi kumusha vachibva kwaMurehwa, vanoti chifumuro inhovo huru pakurarama kwevanhu.

“Chifumuro mushonga wechivanhu usina kumboipa sezvinofungwa nevamwe vanoti kuromba. Kungogara nacho mumba, chinofumura kunyangwe varoyi chaivo havasvike uye chinobatsira zvakare padambudziko rekuvhumuka kwevana.

“Kune vanoda kukutsinga, zvinoshaya basa ukagara wakaisa chifumuro muhomwe sezvo chichibatsira zvakanyanya mukurarama kwevanhu,” vanodaro VaMhofu.

VaTaurai Mashonganyika

Vanoti chifumuro mushonga unocherwa pasi kubva padzinde risingarebi apo panotorwa guri racho.

“Kune vanhu vanorwara nemudumbu, chinobatsira zvakanyanya mushure mekufashaidza mushonga uyu vanhu vopota vachinwa, zvikuru vana.

“Pakufumura zvakaipa, vanhu vanogeza nacho vachiisa mumvura vatanga vachikuya kana kuchidzvura. Vaye vanorota zvinotyisa, kusangana nemadzimai kana varume kuhope, chinobatsira kuzvipedza.

“Madzimai vanongochipfeka kusikarudzi kwavo, havazoona zvakare varume vezvikwambo ava.”

VaMhofu vanoti kune vanoshandisa mishonga yekutora chikafu mudzimba nemuminda yevamwe, chifumuro chinobatsira kupedza dambudziko iri.

“Chifumuro chikadzvurwa chinoiswawo mukudya kwakaita sebota, vamwewo vachiisa mudoro nemumahewu. Zvirwere zvepabonde zvinorapwawo nechifumuro chinoiswa mumvura vanhu vachinwa kana kupisa vachizora dota racho pamaronda enjovhera,” vanodaro.

Vanoti chifumuro chinobatsirawo zvakanyanya kuvana vacheche apo chinosungirirwa muchiuno, muhuro nemumawoko kuti vasavhiringidzwe nevamwe vane mishonga inokuvadza.

“Kune machembere anoshandisa nyengeredzi dzinokuvadza vana saka vakagara vakasungirwa chifumuro zvinobatsira kuti vasakuvadzwe nemishonga yakaipa iyi. Chifumuro tinochichera kumasango uye chimwe tichiita chekutenga asi zvakanaka kunochera woga.”

VaMhofu vanoti vari kufadzwa nekushandiswa kuri kuitwa mishonga yechivanhu neveruzhinji panguva ino.

“Inyaya inofadza kuti vanhu vave kushandisa mishonga yechivanhu vachingoti ma’herbs’. Ndiyo mishonga mimwe chete inotengeswa kumafamasi,” vanodaro.

Mai Christine Ncube vakabata zvambwa zvefodya

Mai Christine Ncube Chihoro (58) avo vanotengesawo fodya, nhekwe nezvimwe pamusika wemukambo uyu vanoti fodya inofumura zvakaipa kuvanhu.

“Fodya yebute nechifumuro zvinoshanda zvakafanana. Bute rinofumura zvakaipa, unoita rekugeza kana kuzora muviri kana kunwa.

“Kune fodya yehondo neimwe yakasiyana neyematare. Kupisa fodya mumba inodzinga zvinhu zvakawanda zvemhepo dzakaipa, uye hakusi kuromba,” vanodaro Mai Chihoro.

Vanoti kugara nenhekwe yefodya hakurevi kuti munhu anosvikirwa nemudzimu sezvo zvichibatsira kuzvidzivirira kubva kuvavengi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey