Uncategorized

‘Muporofita Madungwe tamba nezvimwe’

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VAVERENGI vakawanda vari kuenderera mberi nekupa pfungwa dzavo pamusoro pemuporofita weimwe chechi iri muHarare uyo anoti akaenda kudenga kaviri apo anoti akanoita hurukuro naMwari mbune, mushure ndokuzogadzwa kuva muporofita wepasi rose (prophet of all nations).

Prophet Talent Madungwe (30) svondo rapera akazorusimudzira achiti nguva yadarika akashanyirwa nengirozi kumba kwake ikamuudza kuti Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino.

Nyaya yaProphet Madungwe wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries yakatanga kubuda muKwayedza masvondo matatu adarika achiti akaenda kudenga musi wa1 Ndira ndokudzokerazve musi wa4 Chikumi gore rino.

Vaverengi vebepanhau rino vanomushoropodza, vamwe vachimuny’omba nekuda kwemashoko ake aya.

Zvisinei nezviri kutaurwa neveruzhinji, Prophet Madungwe anoti haazi murwere wepfungwa uye mashoko ake ekuti Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino achazadziswa.

Heanoi mamwe emashoko akatumirwa nevaverengi:

Prophet uyu akatamba naMwari achidai anopihwa shamu yakakurisa. Ngaatambe nezvimwe. — Lisbon Chikowe.

* * *

Madungwe kana chiri chokwadi ngaatore varume vaviri kana vatatu amboenda navo kunosangana naMwari vagodzoka vachimupupurira. — Creddie Mbumburu, Shamva.

* * *

Muporofita wekuti akaita hurukuro naMwari musamushore, munhu uyo musamutuka nekuti kutumwa kuripo muvanhu.

Ndaongorora nyaya yake ndaona kuti pane zinyaya rakamukurira riri kumuremera kutaura saka achiri kumbonzvenga-nzvenga. Munhu waMwari uyu asi anoita sekunge ane zvaakaudzwa naMwari zvichazoitika.

Ko Zimbabwe haisi muAfrica here? Kureva kuti prophet ava vakadzidziswa nhau dzenyika ino saka zviri kuvaremera kuti vanyatsoti dyooo nyaya yacho. — Can’t Do, Chinhoyi.

* * *

Haapenge uyu, asi asatambe naShe wedu. — 0782 320 942.

* * *

Prophet ngavakwane. — 0774 881 821.

* * *

Ichokwadi nekuti kana Abraham akasangana naye wani panyama. Ko chinozotadzisa chiiko prophet ava kusangana naMwari? — 0782 650 007.

* * *

Prophet Talent Madungwe ngavasiiwe vakadaro nemanamatiro avo. Ndichandagwinyira, vanotitambisira nguva yedu. Hameno vanoda kutambisirwa nguva vasina zvekuita. Inhamo yevanotevera sangano ravo. Ngaaite basa remawoko nguva ichiripo. — S Chawatama, Mufakose, Mbare.

* * *

Hama dzangu, tinogona kuti anopenga asi achiziva zvaari kuita. Regai timirire mazuva 90 aareva tione chichazotora nzvimbo. Asi kana zvikasaitika toziva kuti inhamo yake. — Emmanuel Runesu, Chiredzi.

* * *

Anonyepa uyu ngaatiudze masvikiro achaita Mwari wake. Kana tikasamuona toda kumuranga neshamu kusvikira chisatani chake chamutora. — 0775 333 109.

* * *

Inguva yake, regai akadaro nguva ichakwana. — 0785 072 733.

* * *

Ari kutsvaga mbiri nemari. – 0772 597 235.

* * *

Musatanist uyu muchenjererei. Mwari haasi wekutamba naye. — 0784 460 264.

* * *

Vanhu vasashore mashoko emuporofita uyo kusvikira taona musi waakataura kuti Mwari vari kuuya wasvika. Nyangwe hazvo zvichinzi mazuva ekupedzisira kuchava nemaporofita enhema asi bhaibheri rakataura kuti regai kuzvidza zvinoporofitwa! — Langton Mahobo, Mt Darwin.

* * *

Kana aine bhaibheri ngaaverenge kuna VaRoma 3 vs4 kusvika panoperera 14. — John Mupfure, Chegutu.

* * *

Kana achitaura naMwari wandinoziva ngaamuudzisise kuti vatisunungure mumatambudziko atiri kuwana pasi pano. Toda yanano munyika dzepasi rose. — 0774 929 517.

* * *

Ave kutambira kumawere manje. — Munorwei Mandaza, Domboshava.

* * *

Madungwe anosvuta nokudhakwa, mapurisa torai munhu muone kuti haasi ma”drugs” here. — 0779 520 645.

* * *

Kunyangwe Moses akatumwa kunotora vana veIzirairi haana kumboona Mwari. Uyu anorwara nepfungwa, ngaaende kuchipatara. — 0717 652 288.

* * *

Nyaya iyi inonetsa kutsigira kana kutsoropodza nekuti anoti ndiye oga anoonana nekunzwana nengirozi dzaanoti dzinomushanyira panguva yake yekunamata. — 0773 773 835.

* * *

IPfungwa dzake dzinofanirwa kuongororwa. Uyezve bhaibheri rinoti kuchava nemaporofita enhema vanotoshandisawo zita raJesu kuri kuda mari. — Abisha.

* * *

Prophet Talent Madungwe musadaro, tambai nezvimwe. Mwari havasi sahwira. — Robert James, Goromonzi.

* * *

Maporofita enhema ndiwo ave kukonzera kuti mweya yetsvina neyedzinza zvititambudze nekuti inenge yave kuti hakuchina anotiona. Asi varipo vechokwadi vave kuzorwa madhaka nevenhema. Mapositori ndapota hangu zvamusina kupihwa chipo chacho siyai vanazvo vaite. — Mai Shamgar, Mt Pleasant.

* * *

Muporofita Talent ari kurwara nepfungwa. Inonzi schizophrenia, unoita ma”false beliefs, hearing voices but not insane” (Unotenda mune zvekunyepa, uchinzwa mazwi asi usingarase njere). — 0777 113 745.

* * *

Baba vanozviti vakaenda kudenga ava ngavanotariswa, dzimwe nguva ndiwo matangiro echirwere. — 0718 852 260.

* * *

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey