Uncategorized

Muroora anobata amwene ‘huruweki’ . . .‘IBHINYA CHAIRO AKAMBONDIDZIPA’

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VAMWENE vekugara vachifurufushwa nemuroora wavo vakapedzisira vapotera kudare vachiti ibhinya nekudaro vaitya kuti anogona kuvauraya sezvo akambovadzipa mushure mekunge varwisana.

Pollian Maunganirwa akamhan’arira muroora wake Faith Ganda kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza zvikuru pamwe chete nemwanakomana wake kubudikidza nekuita mhirizhonga.

“Uyu muroora wangu asi ndamukoniwa. Akandivinga pamba pangu akatanga kundituka achida kundisiira kamuzukuru kangu kachiri kadiki ini ndikaramba. Ndakazoerekana ava kundidzipa tikarwisana,” akadaro Maunganirwa

Akaenderera mberi achiti Ganda anorova zvakare murume wake pamberi peruzhinji.

“Ini zvake ndazvitadza, anorova murume pazere vanhu. Haana kana matyira, anotuka vavakidzani zvinyadzi pamwe nekutokandana navo zvibhakera. Kana zviri zvikwereti haiwa, haaneti kukwereta.

“Ndakambotanga ndichamubhadharira asi ndakatozvikoniwawo. Apa akabvunzwa chikwereti haagone kutaurirana nemunhu zvakanaka, anotoita zvekumurwisa kuti asabvunzwa futi.”

Maunganirwa akati Ganda akadzinga murume wake pamba nekuda kwekuti ane zvikomba.

“Wakadzinga mwana wangu saka pamusha pangu unouya uchidei? Gara nechikomba chako,” akadaro Maunganirwa.

Ganda haana chaakapindura sezvo mutongi Ruth Kamangira akati Maunganirwa akanga asina kunyatsojekesa chikumbiro chake mumagwaro aive mudare, nekudaro aifanira kutanga akumbira gwaro chairo raari kuda nyaya iyi yozoenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey