Uncategorized

MUROORA ANOGEZA TEZVARA . . . Zvese nekuvabvisa nekuvapfekedza mbatya

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
MUROORA ANOGEZA TEZVARA . . . Zvese nekuvabvisa nekuvapfekedza mbatya

Kwayedza

NYAYA yevaroora vaviri vanonzi vari kugezesa tezvara vavo avo vari kurwara pamwe nekuvapfekedza manapukeni yakonzera kugeda-geda kwemeno nemitauro yakawanda kuBulawayo.

Mudzimai wavatezvara ava akashaya.

Maitiro evaroora vaviri ava — Rosemary Mutemeri naCharity Nyathi — anonzi ari kugumbura vavakidzani vavo avo vari kuti havasati vakambozviona kuti muroora anobvisa tezvara vake mbatya, ovageza muviri nekuzovapfekedza mbatya.

Verenga zvakare nyaya iyi:

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti izvi hazvitenderwe patsika dzechivanhu, asi kuti vana vemurume uyu vanofanirwa kutsvaga vanhu vanoita izvi, kwete varoora. Zvisinei, Nyathi ari kutsigira zvavari kuita izvi achiti paakaroorwa nemwanakomana watezvara vake ava, VaJonathan Mbanje, akatsidza kuti achaita mabasa ose epamusha. “Pekutanga zvaindinetsa kuzviita. Asi iko zvino ndatozvijaira kunyangwe zvichinzi hazvitenderwi pachivanhu kuti muroora ashambidze vatezvara.

Rosemary Mutemeri

Rosemary Mutemeri

‘‘Ndakatoona kuti ndinotofanira kuvagezesa nekuti kazhinji kacho pamba panenge pasina munhu anovagezesa uye dzimwe nguva vanotozviitira tsvina,” anodaro Nyathi.

Vanakomana vaVaMbanje vanogara vasiri pamba nekuda kwemabasa. Mutemeri anotiwo akatomboshambidzawo vamwene vavo.

“Ini murume wangu akashaya asi pachivanhu ndinenge ndichifanira kuripwa pakugezesa kwandiri kuita tezvara vangu. Handisi kuti ndinoda kuripwa asi pachivanhu zvinofanira kuitwa nekuti ndikasaripwa zvinokonzera ngozi,” anodaro Mutemeri.

Charity Nyathi

Charity Nyathi

Zvisinei, vanhu vemunharaunda iyi vari kugumbuswa nezviri kuitwa nevaroora vaviri ava.

“Izvi zvinoshamisa kwazvo nekuti hatisati tamboona mashura akadai, ekuti varoora vanogezesa vatezvara vavo pamwe nekuvabvisa manapukeni (diapers). Kunyangwe zvichinzi vanorwara, hazviite,” akadaro mumwe muvakidzani. — B-Metro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey