Murume (40) oda kuchengetwa nababa

30 Oct, 2023 - 22:10 0 Views
Murume (40) oda kuchengetwa nababa Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare ane makore 40 okuberekwa, uyo akaendeswa kudare nababa vake vachiti ari kuvashungurudza zvakanyanya, akanzi anofanirwa kubva pamba pevabereki vake nekukasika sezvo chave chigondora chave chimombe.

Clifford Boko akaudza dare reHarare Civil Court kuti haachada kuti Nelson Boko arambe achigara pamba pake nekuda kwehunhu hwake hwekumushungurudza.

“Mwana uyu ndakamuchengeta kubvira pakashaya amai vake, ndikamudzidzisa kusvika Form 4. Zvino ava kuita basa rekundituka nekutora midziyo yangu zvisina mvumo yangu. Handichada kumuona pamba pangu,” vanodaro baba vemurume mukuru uyu.

“Ndine vana vatanhatu, vese ndakavadzidzisa kusvika Form 4 asi uyu andinetsa, haandikudze sababa vake.”

Achipawo divi rake, Nelson haana kuratidza shungu pane zvaitaurwa nababa vake.

“Handina kana chandinopikisa pane zvese zvavataura, ndinongodawo mazuva mashoma-shoma kuti ndibve pamba pavo. Kudare kwacho ndangouyawo, nyaya yacho ndanga ndisina kutoziva kuti ndeyeyi,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vakapa Clifford gwaro redziviriro ndokuti Nelson anofanirwa kubva pamba apa musi watongwa nyaya iyi (Chishanu chadarika) uye kuti asasvikepo zvekare.

Pamusoro pezvo, Nelson akanzi anofanira kukudza baba vake kwete kuita semwana akadonha kubva kudenga asina vabereki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey