‘Murume ari kuramba kurambwa’

28 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
‘Murume ari kuramba kurambwa’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare akachema-chema mudare reHarare Civil Court achiti murume waimbodanana naye — uyo akaisa mifananidzo yake paFacebook ari musvo — ari kuramba kurambwa uye ave kumutadzisa kushanda zvakanaka pabasa pake sezvo anouya achimurwisa pamwe nekumba.

Margareth Manyenyeni anoti Nhamo Mukono ari kumushaisa rugare siku nesikati.

“Dambudziko rakatanga apo murume uyu akaisa mifananidzo yangu padandemutande reFacebook ndisina kusimira. Hazvina kundiitira zvakanaka nekuti vana vangu vakura uye hazvipi chimiro chakanaka kwavari,” anodaro Manyenyeni.

“Kubva pandakamuramba anouya kubasa kwangu achituka zvinyadzi. Mumwe musi akandirova ndikasvuuka pamutsipa, pedzezvo ndokuti achandiuraya sezvakaitwa mukadzi wemuraini medu. Ndave kutyira hupenyu hwangu nekuti anonditi uri munhu wangu uye hausi kuzondiramba.”

Manyenyeni anoti Mukono anomumanikidza kutambira zvinhu zvaanenge amutengera zvinosanganisira girosari.

“Baba ava vanotyaira magonyeti saka vane tsika yekuuya pamba voridza huta vachiita ruzha muraini mese vachindimanikidza kuti nditambire mari nemagirosari avanenge vauya nawo. Ndinokumbira kuti dare rindibatsirewo, handichada nezvemurume uyu,” anodaro Manyenyeni.

Mukono haana kupikisa zvaitaurwa naManyenyeni asi akumbira kuti arege kutumira vanhu kuti vazomurova uye asachaira mudzimai wake nhare.

Manyenyeni akabva amugamha achiti haana kumbobvira atumira mamonya kuti arove Mukono asi kuti akashevedza vamwe vanhu kuti vamununure apo aida kumurova.

“Mukono ndiye akatondipa nhamba dzenhare dzemudzimai wake achiti ndigare ndakangwarira kana akazochaya nhare sezvo mashoko ataitumirana panhare akange akabatwa,” anodaro

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Manyenyeni gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey