Murume oti ‘dzokera kuvabereki vako’

12 Oct, 2023 - 20:10 0 Views
Murume oti ‘dzokera kuvabereki vako’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti haachada mudzimai wake nokuti akangobva pamba ndokuenda kumusha kwevabereki vake mugore ra2021 asi ndokuzodzoka munaGunyana wegore rino achiti achiri kuda zvewanano.

Bridghton Haukozi audza dare reHarare Civil Court kuti Nelia Mavaza ari kukanganisa runyararo rwake uye ane katsika kekutuka mukadzi waanoshanda naye.

“Mudzimai wangu nguva yarebesa ari kuvabereki vake, hazvichaite kuti adzoke. Kutaura kuno akatoti ave kudzoka nemidziyo yake kuzogara uye ane tsika yekutuka mukadzi wandinoshanda naye,” anodaro Haukozi.

Mavaza anoti amwene vake ndivo vakati adzoke pamba mushure mekunge anetsana naHaukozi nokuti ndiye muroora wavanoziva chete.

“Amwene vangu vakati ndidzoke pamba uye vakati zvitori nani kuti iye (Haukozi) abve pamba apa nekuti imba ndeyavo. Handina kumbonetsana nemudzimai waari kutaura asi kuti ndakamutorera mwana wangu mushure mukunge oda kuenda naye mumotokari make nemurume wangu,” anodaro Mavaza

Mutongi Mandelenkosi Ndlovu vayambira Haukozi kuti sezvo vaine muchato wemhando yeChapter 5:11 naMavaza, anofanira kutevedza gwara rinodiwa pasi pemutemo kugura muchato uyu.

Vapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro redziviriro uye ndokuvakurudzira kuti vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey