‘Musadzidzise mwana wangu chipfambi’

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MWANASIKANA wemakore 14 ekuberekwa wekuBuridiro, muHarare, anonzi akatorwa nevavakidzani ndokutanga kuitiswa mabasa echipfambi achipihwa mari apo amai vake vaive vaenda kunze kwenyika.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo mukadzi uyu, uyo watisiri kudura nezita, aida gwaro rerunyararo kubva kuna Morleen Tozivepi, Tsitsi Matore naPrimrose Jecha achiti vari kumuonesa ndondo nekumushungurudza nekuurairwa zvipfuyo zvake.

“Ishe wangu, ndinokumbirawo gwaro rerunyararo kubva kuvavakidzani vangu vatatu ava. Vakatora mwanasikana wangu mushure mekunge ndaenda kunze kwenyika vakamuudza kuti ndinomushungurudza nekumubatirira saka anofanira kuteerera zvose zvavakange vamuudza nekuti vanoda kuti anakidzwe neupenyu.

“Pavakamutora apa, vakabva vamuwanira basa kuBudiriro 8 uko vaipota vachimutsvagira varume vaaishereketa navo vachimubhadhara $5. Zviri kundirwadza ini amai vake vekubereka.

“Ndakanotora mwana wangu ndikamuendesa kuchipatara, akange atove nezvirwere zvakawanda-wanda zvepabonde. Pamusoro pezvo changamire, vakauya kumba kwangu vakadira mushonga unouraya mushure mekunge ndavabvunza kuti ndakange ndavatadzirei,” akadaro mumhan’ari.

Akaenderera mberi achiti vatatu ava vane daka naye nekuti vakamuuraira zvipfuyo zvake.

“Vakadzi ava vakandiuraira zvipfuyo zvangu zvekuti handichisina kana chimwe chete. Pamwe kurwadziwa kuti ndakange ndine upfumi hwangu kuri kusakisa kuti vaite zvose zvavari kuita. Primrose akauya kumba kwangu akabva atora ivhu uye pandakamubvunza kuti aida kuriitisei akati aida kunokweshesa mapoto apa kwaive kutori kuda kundinokora tsoka.

“Ndinokumbira kuti vasasvika pamba pangu uye vasiyane nekunditukirira pamwe nekunditorera mwana wangu,” akawedzera mukadzi wekukwidza nyaya kudare uyu. Vatatu ava vakaramba zvose zvavainenerwa.

“Hatina kana musi mumwe chete watakatora mwana wavo tichimutsvagira murume kana kuuraya zvipfuyo zvavo. Pavari kuti ndakavanokora tsoka vakadii kubva vandibvunza ipapo? Vakazouya kumba kwangu vachinditi ivhu randakanga ndatora rakanga riri rei,” akadaro Jecha.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Munyanyi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey