Uncategorized

Musandikuvadze: Jabu Ndunge

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Musandikuvadze: Jabu Ndunge Jabulani Ndunge

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANAKOMANA wen’anga yekuChipinge iyo yaiva nemukurumbira, mushakabvu Sekuru Charles Makhuyana Ndunge, ari kuchema-chema zvichitevera kubuda kwakaita nyaya yekuti baba vake vakasiya gwaro (list) rine mazita evanhu vose vavakashandira achiti izvi zvave kukanganisa basa rake rekushopera.

Kwayedza yesvondo rapera yakaburitsa nyaya yekuti vanhu vane mukurumbira mune zvakasiyana vemuZimbabwe nevekunze — vanosanganisira maporofita, n’anga, vaimbi, vane mabhizimisi, vatambi venhabvu, vanoita zvematongerwo enyika, vanochinja mari “money changers” nevanotengesa motokari — vamwe vevanhu vanonzi vakanoromba ndokupihwa zvavaida naSekuru Ndunge.

Sekuru Ndunge

Nyaya iyi yakakonzera kugedageda kwemeno zvikaita kuti bepanhau iri ritsvairwe kunyanya mumigwagwa yemuHarare nevatengi mangwanani emusi weChina warakabuda.

Sekuru Ndunge vakashaya nguva pfupi yadarika vari pamusha pavo kuSouth Downs, kuChipinge, mushure mekurwara nedenda reshuga uye vanga vaine mukurumbira wekushandira vanhu vakasiyana — vanoda kurapwa kana vanoromba.
Jabulani — uyo pamwe chete nehanzvadzi yake Nyerai Ndunge — vave kusimudzira basa rehun’anga rakasiiwa nababa vavo, anoti mhuri yavo ine gwaro rine mazita evanhu vose vakashandirwa naSekuru Ndunge.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi svondo rapera, Jabulani anoti yave kukakangisa basa rake.
“Nyaya idzi dzave kundikanganisira makasitoma angu, vanoguma votya kuti vanonyorwa mazita avo pasi. Nyaya hombe iripo ndeyekuti vanhu ngavazive kuti basa rekurapa rakasiiwa naSekuru Ndunge riri kufambira mberi, hatina kumira nekufa kwavo.
“Vanhu ngavauye vabatsirwe sezvavagara vachiita kare, mashoko haapere panofa munhu mukuru,” vanodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Inguva yekuchema yatiri zvisinei nemashoko akawanda ari kutaurwa. Asi zvakadaro, mashoko aya haatidzosere kumashure kusimudzira nhaka nebasa rakasiiwa nababa vedu.”

Nekune rimwewo divi, kune vanhu vakawanda vari kuchaya nhare kuKwayedza pamwe chete nevamwe vari kuuya kumahofisi ebepanhau rino vachida kuziva nekuona gwaro rine mazita evanhu vaibatsirwa naSekuru Ndunge.

“Sei list iri risina kubuda mupepa, asi iye Kingstone Mapupu naVaShamba (mupepeti weKwayedza) varipowo here pamazita evanhu vakanoromba kwaNdunge? Ngavataure chokwadi, isu zii zvedu tiri kumaterraces,” anodaro mumwe mudzimai anongozivikanwa saMai Ennie. Mumwezve murume wechikuru akasvikawo paHerald House, muHarare, apo pane mahofisi eKwayedza achipopota zvikuru achiti anoda kuziva mazita evanhu vari pa”list” iyi.

Mumwewo murume akachaya nhare akangoti; “Nhai mupepeti, ichokwadi here kuti pane list rekwaSekuru Ndunge? Munaro zveshuwa? Vakomana musadaro vakomana.” Akabva adzima nhare asati apindurwa.

Zvikanzi nemumwezve anongozviti Mai Munashe: “Panoti list apo! Rwendo rwuno vakaromba muchavaona.”
Mumwewo muverengi anongotumira mashoko achidoma zita remunhu waanofungira kuti ari pamazita aya. “. . . zita rake riripo. ndozvandanzwa kuti riri kunzi riripo,” anodaro.

Stella akati: “Yeee, Ndunge woyeee. Pakaipa, vanhu vari kutya kkkk.”
Vamwe ndivo vaichaya nhare vachipembedza Kwayedza.
“This time makanyora nyaya yakanaka zvikuru iri kufadza vanhu,” anodaro mumwe muverengi.

Kwayedza radarika rakatengwa zvekuti pakazosvika nguva dza12 masikati, rakange rave kunetsa kuwana munzvimbo zhizhiji dzemuHarare nekuda kwenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey