Musatore zvinodhaka: SRC

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reSports and Recreation Commission rokurudzira vatambi vakasiyana vari kukwikwidza kumaNational Youths Games kuChinhoyi kuti vasatore zvinodhaka zvisingatenderwi sezvo iyi iri mhosva uye zvichikanganisawo budiriro yamatarenda avo. Mitambo yemaNational Youths Games yakatanga svondo radarika musi weMugovera uye ari kufambira mberi pasi pedingindira rinokurudzira kusimudzirwa kweremangwana kuburikidza nemitambo (Sport for a healthy and productive Future).

Mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa, anoti vari kuita misangano nevatambi ava vachivadzidzisa kuipa kwakaita kutora zvinodhaka. “Mitambo inobatsira chaizvo kuumba ramangwana remutambi saka zvakakosha kuti adzidziswe zvakanaka nezvakashata.

“Svondo rino apo pachange pachiitwa mitambo yemayouths games pane masangano akasiyana achauya kuzokurukura nevatambi pamwe nevatungamiri vavo kuti vazodzidzisana huyipi hwekutora zvinodhaka izvo zviri kukanganisa mitambo pamwe nedzimwe nyaya dzakasiyana

“Tichagara pasi nemamaneja ezvikwata zvakasiyana nekuti tinoda kuti tironge ramangwana tichionesana zvinoda kugadziriswa takatarisana nemitambo iri kutambwa parizvino,” anodaro Nheweyembwa.

Vatambi havatenderwe kutora zvinodhaka zvakafanana nemishonga yema”anabolic steriods” yekusimbisa miviri iyo inoita kuti vave nesimba rakanyanya kudarika rinotarisirwa pamunhu anenge asina kushandisa mushonga uyu.

Mitambo iri kukwikwidzwa gore rino inosanganisira nhabvu, netball, handball, mujaho wekumhanya, basketball, tenesi, volleyball netsiva uye ichange ichitambirwa paAlaska Stadium, Manyame Primary, Lomagundi College nepaChinhoyi University of Technology.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey