Uncategorized

musha wonaya tsvina yevanhu

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
musha wonaya tsvina yevanhu Musherufu munonzi munogwedebudzwa midziyo inenge irimo ichikandwa mudenga

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI igere kwaChikwaka, mudunhu reGoromonzi, inoti yasvika pakutiza musha sezvo ichioneswa chakati tende nemashiripiti ekutemwa netsvina yevanhu nyoro — iyo inotomboita zvekunaya pamwechete nematombo — midziyo yavo ichingorasirwa panze.

Chiri kukonzera izvi havasati vachiziva.

Vari kusangana nemanenji aya ndaVaElijah Thandiwe Chirwa (83) nemudzimai wavo Mbuya Elizabeth Banda (67) avo vanogara mubhuku raDehwematuri.

Dambudziko rekutemwa netsvina yevanhu rinonzi rakatanga munaKukadzi gore rino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya iyi yakasvika kumahofisi avo.

“Mbuya Elizabeth Banda (67) vekwaChikwaka vakaenda kumapurisa edu ekwaJuru vachiti vanotemwa netsvina yevanhu pamwe chete nematombo anongobva mumhepo. Vanoti vave kutogara kumasowe nekuda kwedambudziko iri.

“Iri idambudziko rechivanhu, saka isu hatizive kwavakazoenda kunotsvaga kubatsirwa,” vanodaro.

Vachitsanangudza kuKwayedza, Sekuru Chirwa vanoti tsvina iyi “inonaya” ichibva mumhepo ichikandwa pachivanze, kuposhongedzwa kumadziro edzimba – kunze nemukati – imwe ichiwira mumapoto nemundiro dzinenge dziine zvekudya.

“Maita zvakanaka mauya, pano tinokandirwa tsvina yevanhu nyoro inenge iine honye. Asi, anoipotsera hatimuone, inongobva mumhepo asi anoita izvi hatimuone. Matombo anongonaya achibva mudenga, midziyo yakaita semigomo, kunyangwe izere nemvura, inosimudzwa,” vanodaro.

Ndiro nemapoto nemimwe midziyo zvinonzi zvinobviswa musherufu zvichinounganidzwa panze.

Mumazuva mashoma akadarika, mumwe muzukuru wepamba apa anonzi akaona demo richibviswa pamupinyi iro rakabva razotanga kumutevera nemumhepo iye ndokurova bara achitiza.

“Takatiza pano tikaenda kuvavakidzani apo takatanga kutemwa nematombo netsvina. Muzukuru ane makore gumi okuberekwa akazoteverwa nedemo riri mumhepo richibhururuka seshiri richiita serinoda kumutema nekugotsi.

“Hapana akagona kununura mwana uyu sezvo tose taitya, rakamudzingirira kwechinhambwe chingaite mamita 50 kusvikira razodonhera pasi.”

Sekuru Chirwa vanoti redhiyo yavo yakabviswa mubhedhuru mavo masikati machena, ndokunopwanyirwa pamberi pavo nechinhu chisina kuonekwa.

Kwayedza yakazvionera zvimwe zvezvinhu zvinonzi zviri kupwanywa izvi.

Sekuru Chirwa vakawanikwa pamusha apa vari voga apo mudzimai wavo ainzi akanga atiza masaramusi aya.

“Ini ndakambotiza ndikaenda kuNorton ndichisiya mudzimai nevazukuru pano, asi zvinonzi zvakazonyanya ndisipo apo vadzimai vakazotizawo ndokusiya vazukuru voga. Ndipo pandakazodzoke. Pamusha pano pave kutyisa,” vanodaro.

Sekuru Chirwa vanoti vakambotemwa nedombo paruoko vakakuvara zvikuru.

“Dzimwe nguva tinofuma takarara pasi, taburutswa pamubhedha. Handizive kuti chii asi kwatinofamba tinonzi tiri kutumirwa zvinhu nevatakagarisana navo.

“Kana ndiri ini handina mushonga wakaipa wandakabata, asi bedzi taimbotemerana mishonga yekurapana chete. Kumusha kwangu kuZambia asi baba naamai vangu vakafira muno.”

Vazukuru vavo, vanodaro Sekuru Chirwa, vakambotizira kumba kweimwe n’anga yemudunhu iri uko zvinhu izvi zvinonzi zvakavatevera zvikanotanga kupakura sadza nekuvabvitira chimwe chikafu chavaidya zvikaita kuti vadzingwe nen’anga iyi.

Pamusha apa panonzi pakambotorwa n’anga nemaporofita vekuchenura asi dambudziko iri harisi kupera.

Muzukuru wepamusha apa ane makore 12 okuberekwa akawanikwa neKwayedza achirongedza ndiro, mapoto, makapu nemimwe midziyo musherufu izvo zvainzi zvainge zvaswera zvichirasirwa panze.

Pakasvika vatori venhau, masaramusi aya haana kuonekwa achiitika.

Marian Nyamadzawo (46) anobva mumusha uyu anoti vanozongoona vemhuri iyi vachimhanya vachitemwa netsvina, ndiro nematombo asi pasina anoona kwazvinobva.

“Hapagarike apa, vari kutemwa netsvina yevanhu inonhuhwa zvikuru iyo inenge iine honye mhenyu dzinotofamba. Ndiro nemapoto zvinovatema zvichibva mumhepo,” anodaro.

Kuchiti Mai Maria Mweriwa Makarani (56) vanoti mhuri yekwaChirwa yakambotizira kumba kwavo ikateverwa nemashiripiti aya ikoko.

VaChristopher Gonzo (42), vanova muvakidzani wekwaChirwa, vanoti vakatoona midziyo yemumba ichibuda nepachisuvi chemba.

“Imba yavo yekubikira ine chisuvi chakavharika asi ndakaona ndiro, mapoto, makapu nemigomo zvichibuda nepachisuvi. Asi, pachisuvi apa hapana buri, zvinhu izvi zvaibhururuka kusvikira zvagadzikwa pasi,” vanodaro.

Vanoti vane teapot yakaputika iri mumba kuita sebhomba vanhu vakatiza iyo yaisava nechinhu mukati.

Jane Muchaya (43) anova mumwe wevavakidzani wekwaChirwa zvakare anoti vakasvika pamusha uyu vakawana sadza nenyama zvaiva mupoto zvichipakurwa nekuraswa panze.

“Takasvika pano vanhu vave kuda kudya tikawana vamira panze, sadza nenyama zvichipakurwa zvichikandwa panze mujecha. Zvimwe zvacho zvaikanyaniswa netsvina yevanhu,” anodaro.

Tabeth Yaso (45) anogara mumusha uyu anotiwo mhuri iyi nevemusha vapererwa.

“Dai vangowana anovabatsira nekuti zvinhu izvi zvinoitika masikati machena tose tichiona nemaziso edu. Husiku, panonzi hapararike apo mudzimba munogwedebudzwa nezvinhu zvisingaonekwi,” anodaro.

Chrispen Gonzo anotiwo mhuri iyi inoda kubatsirwa.

VaTakazvida Shambare (52) vemunzvimbo iyi vanoti dambudziko remhuri iyi rabatanidza vanhu vose vemumusha uyu sezvo richisuwisa zvikuru.

“Mhuri iyi yave kutiza pamba, vanonorara mumamana nguva zhinji nekutya masaramusi aya,” vanodaro.

Imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Tichakunda Bote vekuHatfield, muHarare, vanoti mhuri iyi inogona kunge yakaromba kana kuti vari kushereketerwa nevamwewo vanhu.

Mashoko avo anotsinhirwa nerimwe godobori, Dr Ibrahim Jumah, vekuMalawi, vachiti mhuri yekwaChirwa inoda kubatsirwa nekukasika zvikuru.

Vanoda kubatsira vanoridza nhare dzinoti 0775 724 144, 0715 154 135, 0778 955 798, ne0778 857 114.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey