Uncategorized

Mushandi tasa apinda mumba isingavhurwe . . .  ‘Ndakaona zvirume zvipfupi’ ‘. . . nezinyoka raive pasofa’ . . .  ‘Vanodiridza ruva nemukaka’

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Mushandi tasa apinda mumba isingavhurwe . . .  ‘Ndakaona zvirume zvipfupi’ ‘. . . nezinyoka raive pasofa’ . . .  ‘Vanodiridza ruva nemukaka’ Tana achichema

Kwayedza

Kingstone Mapupu naAshley Muchamiri

MUSIKANA anoshanda pamba iri kuNorton anoti akaita chadzimira, ndokufenda pakarepo mushure mekupinda muimwe imba ya‘‘shefu” vake iyo inogara yakakiiwa gonhi umo akaita mahwekwe nezvivanhu zvipfupi-pfupi zvitatu nemukweshwa wenyoka yainge yakaungana pasofa.

Tana (17) uyo watisingaburitse zita rake rizere nechinagwa chekumuchengetedza nekuti achiri mwana mudiki anobva kwaNemangwe, Gokwe, uye anoti pazoitika izvi, anga asvitsa gore nemwedzi mitanhatu achishanda pamba apa asi asingabvumidzwe zvachose kubuda kunze kwechivanze chepo kana kuvhura gonhi reimwe imba yepo iro rinogara rakapfigwa.

Paakazopinda mumba inogara yakapfigwa gonhi iyi kekutanga kubva atanga kugarapo anoti akaita dzungu kana kuti chadzimira, ndokufenda mushure mekunge aona mumba umu muine zvirume zvipfupi zvitatu nemusvesvenenga wenyoka iyo yainge yakaita hata pasofa.

Anoti paakapinda basa achibva kumusha kuGokwe, akasvikopihwa mutemo wekuti anofanirwa kudiridza nemukaka ruva rinogara kuseri kwegonhi mangwanani ezuva roga-roga, manheru vapedza kudya oridiridzazve nemvura.

Tana inherera mushure mekufirwa nevabereki vake ndokuzorerwa naambuya.

Anoti akakwidzwa bhazi naambuya vake mumwedzi waKukadzi gore rakapera achinzi ainge awanirwa basa.

“Baba naamai vangu vose vakashaika ndokusara ndogara kumusha naambuya, sekuru nanatete. Gore rakapera, ambuya vakavingwa nemumwe mudzimai aiti aida musikana webasa apo ndakazosara ndokwidzwa bhazi kuuya kuHarare. Ndakatambirwa kuMbare naamai nababa vaida kundipinza basa ndokuenda neni kumba kwavo kuKatanga, kuNorton pamba pane zigedhi dema,” anodaro.

Pasi pemutemo wenyika ino, imhosva kushandisa mwana ane makore ari pasi pe18 okuzvarwa.

Tana anoti paakasvika kumba kwevanhu vaaizoshandira ava, vakamuti vaizomubhadhara $150 pamwedzi iyo anoti haana kumbobvira apihwa.

“Zvadaro, ndakaratidzwa ruva rebrown rinogara mugaba kuseri kwedhoo iro ndakanzi ndidiridze nemukaka wekutenga wemuzvigubhu zvidiki uyo unochengeterwa mumugomo wakawanda zvikuru.

“Ndakanzi ndinodira kachigubhu kemukaka kose mangwanani oga-oga, manheru ndozodira mvura paruva iri kana tapedza kudya izvo ndagara ndichiita.

“Ndakaratidzwa imwe imba yepo yandakanzi haifanirwe kuvhurwa gonhi neni kunyangwe zvidii, izvo ndagara ndichitevedza,” anodaro Tana.

Imba iyi inonzi ine dzimba nomwe pamwe chete.

Musikana uyu akataura neKwayedza apo ainge anopotera paimwe kamba yemapurisa iri muHarare.

“Basa rangu kutsvaira, kugeza ndiro nekuwacha mbatya dzavo ndodziayina.

“Kubva pandakapinda basa pamba apa, handina kumbobvumirwa kubuda kunze ndairambidzwa zvekuti vaindikiira gedhi nguva dzose. Vana vavo vose vari 4 vakaenda kuSouth Africa saka ndaigara ndoga naamai vepo avo vanoti vava pamudyandigere.

“Murume wepamba apa anoenda kubasa, anonzi ndimaneja ku***** (achidoma imwe kambani inogadzira zvinwiwa),” anodaro.

Musikana uyu anoti nemusi weSvondo 1 Gunyana, apo amai nababa vaanoshandira vaivapo, vakamushevedza panguva iyo vaive vakavhura imba iya inonzi haivhurwe, ndokumuti apindemo ivo varimo.

“Ndakapinda mumba umu ivo varimo apo ndakaona zvivanhu zvipfupi zvitatu zviviri zvainge zvakapfeka zvikabudura zvichena nemashati ane mavara-mava nemaoko marefu. Chimwe chacho chine mazindebvu matema nevhudzi mumusoro kuchiti mumwe wavo aiva nendebvu asi akaguswa muparavara.

“Maivewo nechikadzi chipfupi chaiva nerokwe jena chiine ma‘braids’ mumusoro.

“Ndakavhunduka nezvandaiona izvi, ndokutarisa pasofa ririmo ndikaona pakaungana zinyoka rainanzvira rakanditarisa.”

Tana anoti zvivanhu zvipfupi izvi zvaiva zvakagara pamacheya apo varidzi vepamba apa vainge vamire.

Anotizve ma‘‘shefu” ake ava vakangomuti vaida kuti aite muroora kana kuti mukadzi wepamba pavo, izvo akashamiswa nazvo nekuti hapana kana mwanakomana wavo waakamboona.

“Ndakangofunga kuti vaida kuti ndiite mukadzi wezvirume zvandakaona izvi kana kuitwa mukadzi wenyoka.

“Ipapo ndakanzwa kadzungu ndokubva ndafenda ndiri mumba imomu,” anodaro.

Anoti panguva iyi akatanga kunzwira zvinhu kure-kure, maziso ake achiona zvemadzengerere apo murume nemukadzi vaanoshandira vakazomutakura kumuburitsa mumba umu vakanomuisa pasofa muimba yekutandarira.

Muimba isingavhurwe iyi, anodaro Tana, zvivanhu zvipfupi izvi hazvina kutaura kana izwi rimwe chete kunze kwekungomutarisa zvichiita sezvinoshama nyaya. “Pandakabengenuka kubva muchadzimira, pakazouya munin’ina waamai vepamba apa uyo akabva atambirirwa kugedhi, ndokutaura nyaya dzavo vari ikoko, vachibva vamuperekedza asina kupinda mumba.

“Ini ndakaona kuti vakanga vatora nguva refu vasina kudzoka, ndokubuda gedhi raiva rasiiwa rakavhurwa ndichibva ndatiza. Ikaka ndiko kakave kangu kekutanga kubuda muchivanze ichi kubva pandagara pamba apa kwenguva inodarika gore.”

Tana anoti musi waazopinzwa muimba isingavhurwe iyi, mangwanani acho akafuma achirwadziwa zvikuru nemudumbu umo maanoti kusvika nanhasi muchiri kumutambudza.

“Ndakangofamba nemudzimba kuKatanga ikoko ndokunosvika pane chimwe chitoro panokwirirwa makombi ekuHarare. Ndakataurira vamwe baba nyaya yangu avo vakandibatsira nemari yekukwira bhazi kuuya kuHarare.

“Kuno kuHarare, ndakasanganawo nevamwe amai vaiti vanogara kuGlen View avo vakazonondisiya kumapurisa kwandiri kubatsirwa,” anodaro.

Tana anoenderera mberi: “Ndinoda mari yekuti ndidzokere hangu kumusha. Handina mari sezvo kubva pandakatanga kushanda pamba apa handina kumbobvira ndatambiriswa, vaingonditengera mapads chete nekundipa chikafu.

“Hapana kana munhu wepanext door wandinoziva sezvo ndange ndichigara ndakavharirwa mumba.”

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara – kunova kune Norton uko kwakaitikira nyaya iyi – vanoti inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa yoferefetwa.

“Pane mhosva dzakawanda munyaya iyi saka tinoda kuti imhan’arwe igotanga kuferefetwa,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Chirume Chirume vekuEast View, muHarare, vanotiwo mwana uyu anoda kubatsirwa pachivanhu sezvo achigona kunge aishandiswa nezvirume zvipfupi-pfupi zvaakanoona izvi.

“Mwana uyu anoda kubatsirwa, nyoka nezvivarume zvaakaona izvi zvinogona kunge zvaishinha naye kuti vanhu ava vaite upfumi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey