Uncategorized

Mutapi wenhau opomerwa kubhinya hama

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Mutapi wenhau opomerwa kubhinya hama REGIS Chikwekwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
REGIS Chikwekwe, uyo anomboita basa rekutapa nhau akazvimiririra, svondo rino akamiswa mudare remhosva achipomerwa kubata chibharo mumwe mwanasikana wehukama ane makore 14 okuberekwa. Chikwekwe (42), uyo anobva mubhuku raTaderera, kwaShe Mangwende, akamiswa mudare reMurehwa Magistrates Court pamberi pemutongi Learnmore Mapiye neMuvhuro uno. Muchuchisi munyaya iyi ndiJohannes Chitiki.

Muchuchisi Chitiki akaudza dare kuti nemusi wa7 Ndira gore rino nenguva dza9 usiku, Chikwekwe anonzi akasvika pamusha achibva kwaakange aenda ndokusvikowana mwana uyu achiverenga zvake mabhuku ari muimba yekurara.

Chikwekwe anonzi akapinda ndokubvunza mwana uyu kuti aiva oga here uyo akapindura achiti aingova oga. Mushure mezvo, Chikwekwe anonzi akazotaurira kasikana aka kuti kamutevere panze iye ndokuita saizvozvo asingazive kuti aida kuitei.

Chikwekwe anonzi akaudza mwana uyu kuti akanga ava nenguva refu asingaite zvemumachira nemudzimai wake saka aida kushinha naye.
Musikana uyu anonzi akaramba asi ndokuvhundutsirwa achinzi aigona kupfurwa nepfuti kana akangoramba.

Pakarepo, zvinonzi Chikwekwe akabva amubata chibharo. Muchuchisi Chitiki anoti Chikwekwe anonzi akazoyambira mwana uyu kuti asawane waanoudza nyaya iyi achiti akangodaro bedzi aimupfura nepfuti.

Musikana uyu anonzi akazoenda kumba kwemudzimai waChikwekwe, Pascencia Chikwekwe, uyo aiva arere asi haana kutaura nyaya iyi. Akazoenda kuna Mbuya Regina Chikwekwe ndokuvataurira nezvechiitiko ichi avo vanonzi vakadzinga mwana uyu vachiti ainyepa apo vakatadza kumunzwisisa. Mwana uyu anonzi akazonoudza mumwe mudzimai, Mai Abigail Bindu, vanogara mumusha uyu avo vakazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMusami zvikazoita kuti Chikwekwe asungwe.

Pakazoongororwa mwana uyu pachipatara cheMusami, zvinonzi akawanikwa aine pamuviri pemwedzi mumwe chete.
Chikwekwe anonzi ari kuramba nyaya iyi mudare achiti haana zvaanoziva.

Murume uyu akakumbira kuti apihwe mukana wekubhadhara mari yebhero kuti atongwe achibva kumba, izvo zvakarambwa nedare. Ari kudzoka zvakare kudare uku musi wa26 Ndira apo anenge ari muchizarira.

Kare, Chikwekwe aisimbotapa nhau akazvimirira achidzipa kuKwayedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey