Uncategorized

Mutemo unochengetedza here vanhukadzi kumhirizhonga?

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu
MUCHINYORWA cheZimbabwe Electronic Law Journal chine musoro unoti, “Zvirango zvikuru zvemhirizhonga” Professor Feltoe vanotsanangura nezvekukosha kwemutemo wekurwisa mhirizhonga weDomestic Violence Act vachiti chinangwa chawo ndechekuchengetedza vanhukadzi kubva kumhirizhonga.

Prof Feltoe vanoenderera mberi vachiti vanhukadzi ndivo vari panyatwa yekupinda munyaya dzemhirizhonga izvo zvinogona kuti vange vachigumisira varasikirwa neupenyu.

Kumatare edzimhosva, zuva rega-rega kunotongwa nyaya dzine chekuita nemhirizhonga dzemudzimba apo vanhu vanoswera vachinyorera kuti vawaniswe magwaro anovachengetedza.

Masangano enhau anoburitsa zvakare nhau dzemhirizhonga idzi.

Dzimwe dzenyaya idzi dzinosanganisira dzine chekuita neupfumi hwenyika kana matongerwo enyika.

Munhu wese anosangana nenyaya dzemhirizhonga ane kodzero dzekumhan’ara kumapurisa kana kuchikamu cheVictim Friendly Unit kuti apangwe mazano nekuwaniswa chengetedzo.

Ibasa remapurisa kuti vaite ongororo maringe nenyaya dzose dzemhirizhonga.

Nomusi wa30 Kurume gore rino, bepanhau reThe Herald rakabudisa nyaya yemupurisa anonzi akange achiferefeta nyaya dzekushungurudzwa kune chekuita nebonde dzinonzi dzakaitika pane chimwe chikoro asi akazowanikwa ave kumbunyikidza vanasikana 21 vepachikoro ichi pachinzvimbo chekuti ange achivachengetedza sezvinodiwa nebasa rake.

Mune imwe nyaya, mumwe murume aipomerwa mhosva yekuponda mushure mekupfura nepfuti mudzimai wake pamwe nehanzvadzi yake panguva yekudya kwemangwanani nevana.

Murume mumwechete uyu akambobatwa nemhosva yekupamba muna2006 akasungwa. Anonzi akange apamba murume waafungira kuti aidanana nemudzimai wake.

Murume uyu akabatwa nemhosva iyi akabhadhariswa faindi ye$150 uye kukundikana kwake aizogara mujeri kwemwedzi mitatu.

Anonzi akatombomhan’arirwa mhosva yemhirizhonga paHighlands Police Station asi nyaya dzacho dzikazoraswa. Semunhu aizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga, zvainge zvakakosha kuti apihwe chirango chakakura pane kuti abvisiswe faindi chete pamhosva yekutanga.

Kuraswa kwenyaya dzemhirizhonga dzinenge dzambomhan’arwa, hakufanirwe kunge kuchitwa.

Muchinyorwa chimwechete ichi, Prof Feltoe vanoti mhirizhonga munharaunda haitenderwi zvachose.

 

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata panhare dzinoti 263242 708491 ne2630242 706676.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey