Uncategorized

Mutyairi wekombi akachemera ropa

25 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Chief Supt Paul Nyathi

Chief Supt Paul Nyathi

VANHU vainge vakwira kombi yaibva muHarare ichienda kuChitungwiza svondo rapera vakazoiburuka vachiita zvechipiti-piti apo mutyairi wayo akatanga kuzhamba mota iyi ichifamba achishevedzera kuti ainzwa kuda ropa revanhu vaivemo ukuwo hwindi wacho achichema nekupupa furo pamurowo achitiwo aida mari.

Chiitiko ichi chakashamisa vaive mukombi iyi, avo vaisanganisira munyori uno, sezvo pasina aitarisira mashura aya.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaMakoni, kuChitungwiza apo vakabuda vachiita zvekutiza vaviri ava vatanga “mabasa” avo.

Izvi zvakaitika vanhu vose vaive mukombi iyi vabhadhara mari apo mota iyi yainge ichangosimuka kubva paCharge Office, muHarare nenguva dzemanheru.

Kombi iyi yaive neruvara rwuchena iine nhamba dzinoti ADS 5387.

Yakasimuka kubva paCharge Office apo hwindi uyu aipopotera mari yake achipupira furo mukanwa apo aisvetuka-svetuka achitunga denga rekombi sezvinonzi ainge orasika njere kana kuita seane pfari.

Panguva iyi, mutyairi wayo aizhambatata achiti ainzwa kuda ropa revanhu vaivemo nekuti mari yavo yakange yakashota.

“Ndave kunzwa kuda ropa revanhu. Kana mari iri kushota saka panofanira kufiwa chete,” akadaro mutyairi uyu apo aivhetemesa kombi ichimboenda kumucheto kwemugwagwa yombodzoka seinoenda kurudyi kune mota dzayaipesana nadzo.

Maitiro aya akaita kuti vanhu vaive mukombi iyi varidze mhere vamwe vachikumbira kuti vadzikiswe. Asi mutyairi uyu akaramba akaisa zvimiti munzveve.

Kwayedza ine vhidhiyo rekuzhamba kwaiita mutyairi nahwindi ava, zvose neruzha rwevanhu vaichema votyira upenyu hwavo.

Vamwe sekuru vakaita sevachatsika apo vakabuda vachitiza pedyo nemusha weSunningdale zvisinei nekuti vakange vabhadhara mari yekusvika kuChitungwiza.

Hwindi akambokikiritsana nasekuru ava achida kuvarambidza kubuda.

Vamwe vanhu vaivemo vakakumbira kuti vadzikiswe vasati vasvika asi mutyairi akaramba achimhanyisa kombi achienda kumativi emumugwagwa.

Vanhu vatakanga kudaidzira kune vamwe vatyairi vaidarika kuti vabatsirwe asi zvakashaya basa.

Vamwe vasikana vainge vagere kumashure mukombi iyi vakazoshevedzera kuti vainge vasvika saka vaida kuburuka pedyo nepaSPCA mutyairi ndokumira. Vamwe vanhu ndipo pavakatora mukana uyu ndokuita chipiti-piti kuburuka, kusanganisira mutori wenhau uno.

Kombi iyi yakazoenda iine vanhu vaive kumberi nemutyairi nahwindi bedzi.

Mumwe aive mukombi iyi, Mai Jesca Murwira, vanoti vakasara vazere nekutya kukuru nekuda kwezvakaitika izvi.

“Ndiri kutoshayawo kuti chii chandikwezva kuti ndipinde mukombi iyi nekuti ndange ndambofunga kupinda mune imwe yanga iri pamberi. Chandishamisa ndechekuti hwindi atanga kureva mari kombi isati yazara.

“Ndipo patamuudza kuti tinobhadhara kana kombi yasimuka asi iye atangisa kuzhamba achituka vabereki kuti mapenzi anorambira paWhatsApp. Pekutanga tangofunga kuti kuita kwana hwindi tikamusiya akadaro. Asi tazoshamisika kuona kuti atori serious,” vakadaro Mai Murwira.

Vanoti kunyangwe zvazvo hwindi uyu aiti mari yake yaive yakashota, hapana akambomuona achiiverenga apo vanhu vainge vabhadhara.

“Mari yake hapana amboona achiirava asi kuti angozhamba achipupa furo jena mukanwa zvekuti tambofunga kuti akadhakwa neBronco kana kuti anorwara. Chanyanya kutityisa inhau yemutyairi ange ave kutivheyesa nemugwagwa achifambisa motokari nemavhiri maviri ekurutivi achichinjanisa kudaro achiti anoda ropa revanhu nekuti ndiye akabata upenyu hwedu semutyairi. Imwe pfungwa yauya ndeyekuti pamwe tatakurwa nemaSatanist,” vakadaro Mai Murwira.

Mutori wenhau uno akazokwira imwe kombi nevamwe vakange vadzika vakanosvika kuChitungwiza ndokumhan’arwa nyaya iyi kumapurisa epaMakoni Police Station.

Pane fungidziro huru yekuti mutyairi wekombi iyi pamwe nahwindi wake vanogona kunge vari kuita chitsotsi nekunyepera kunge vabatwa nemweya asi iri nzira yekubira vanhu mari dzavo sezvo vachizogumira rwendo panzira asi ivo vabhadhara.

VaEnerst Muchena, vanove mukushi wemashoko kukanzuru inoona nezvekufamba mumigwagwa, yeTraffic Safety Council of Zimbabwe, vanoti vakakwanisa kutaura nemuridzi wekombi iyi uye vachatora matanho ekuti vapari vemhosva dzerudzi urwu varangwe.

“Imhosva huru kuti mutyairi ange achityaira asina hanya uye tinokurudzira vabereki kuti vamhan’are nyaya dzerudzi urwu pane kuti vangofa vanyerere. Mahofisi edu anenge akazaruka nguva dzose uye vanhu vanogona kutizivisa nezvinenge zvichiitika mumigwagwa panhamba dzinoti 0716 066 507 kana 0735 050 505,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superintendent Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti vangwarire makombi avanokwira pamwe nekutora nhamba dzacho.

“Kana pakaita zviitiko zvakadai vafambi vanofanira kumhan’ara kumapurisa,” vanodaro Chief Supt Nyathi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey