Muzvikoro makadzivirirwa

27 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Muzvikoro  makadzivirirwa Dr Mangwiro

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

CHIKAMU che44 percent chevanhu vawanikwa vaine Covid-19 mazuva mashoma adarika munyika muno ndechevari muzvikoro zviri kumatunhu masere eZimbabwe, apo Midlands iri kutungamira.

Magwaro anotumirwa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kubva neMuvhuro svondo rapera kusvika Chishanu chadarika, vanhu 1 196 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa uye 519 vavo ndeve muzvikoro.

“Kubva neMuvhuro, Midlands yakait nyaya 146 dzevanhu vakabatwa nechirwere ichi muzvikoro, Masvingo 139, Mashonaland East 73, Matabeleland North 49, Bulawayo 29, Mashonaland Central 21 apo Manicaland yaita vanhu 46,” rinodaro bazi iri.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachibaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuitira kuti pasave nevanorwara kana kufa nechirwere ichi.

Vanoti bazi ravo rave pedyo nekupedza kukwenenzvera mitemo inofanirwa kutevedzwa pakubaiwa kwemajekiseni aya kune vane makore 14 kusvika 17 okuberekwa.

“Tine ruzivo pamusoro pevari kubatwa nechirwere ichi muzvikoro zvedu uye tine tarisiro yekuti tichatanga chirongwa chekubaya vadzidzi nhomba munguva pfupi iri kutevera sezvo tave kutopedzisa kugadzira mitemo yezvinofanirwa kutevedzwa. Zvose zvatinoita zvine umboo hwesainzi uye apo mitemo iyi inenge yavepo, vadzidzi vanokwaisa kubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuitira kudzivirirawo kurwara kwavo kwakanyanya nekuzopedzisira vave kuzvipatara,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti nyaya dzechirwere ichi dziri kukwanisa kuzivikanwa kuti dzirimo muzvikoro nekuda kwematanho ari kutevedzwa ekudzivirira kupararira kwacho.

Zvisinei, kana pachitariswa huwandu hwevadzidzi vepuraimari nesekondari munyika yose avo vanosvika 4,6 miriyoni, vabatwa neCovid-19 pari zvino vashoma zvikuru.

Nyaya dzose dzechirwere ichi dziri kuonekwa nezvadzo pachitevedzwa mitemo yeStandard Guidelines for the Co-ordinated Prevention and Management of Covid-19 muzvikoro zvose zviri muZimbabwe.

Pamusoro pezvo, vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi muzvikoro havana zviratidzo zvedenda iri. Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, dare reCabinet svondo rapera rakaita chisungo chekuti zvikoro zvirambe zvakavhurwa.

Vadzidzi vakawanikwa vaine chirwere ichi vakamboiswa kunzvimbo dzavo voga uye vachatsvagirwa dzimwe nzira dzekuti vakwanise kufunda.

Zvichakadai, sangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoZ) rinoti riri kushungurudzika nekuda kwekushaya hanya kuri kuita vamwe vanhu vasiri kutevedza matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kweCovid-19 anosanganisira kupfeka mamasiki.

“Tiri kuona kuwanda kwevanhu vasiri kutevedzera matanho ekurwisa kupararira kweCovid-19 munzvimbo dzinosangana veruzhinji semuzvitoro, zviteshi zvinokwirirwa mabhazi nekumitsetse yekumirira kupinda mumabhengi. Tinoshushikana kuti kushaya hanya uko kuri kuitwa neveruzhinji kunogona kuita kuti pave nekunyuka kwechirwere ichi kechina (4th wave),” inodaro WCoZ muchinyorwa.

“Zvichitevera kunyevenutswa kwemamwe matanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri (lockdown), tinoshushikana zvakare nekuchengetedzwa kwevadzidzi kubva kuchirwere ichi.

“Naizvozvo tinokurudzira kuti pave nezvirongwa zvakasimba zvekupa chenjedzo kuruzhinji pamusoro peCovid-19 uye nekukosha kwekuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri. Tinoramba tichikurudzira vanamuzvinhabhizisi kuti vatevedzere nemazvo matanho ekurwisa chirwere ichi kuburikidza nenzira dzakadai sekufirita nzvimbo dzavanoitira mabhizimisi avo uye nekuti chirongwa chekubaiwa kwenhomba chisvike kumunhu wose mumadhorobha nekumaruwa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey