Uncategorized

Mvura yakawanda ichanaya

16 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Mvura yakawanda ichanaya Zimbabwe iri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda iyo ichange iine dutu nemabhanan’ana kutanga Muvhuro uno kusvika neChishanu.

Kwayedza

ZIMBABWE iri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda kutanga neMugovera uno kusvika neMuvhuro nekuda kwehore iri kukoka ichibva nekuBotswana.

Muchinyorwa, bazi rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, reDepartment of Civil Protection (DCP) neremamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD), vanoti hore yemvura iri kufamba zvishoma nezvishoma ichipinda munyika muno ichibva nekuBotswana.

“Hore yemvura iri kupinda munyika ichibva nekuBotswana ichipfuura nemumatunhu eMatabeleland North neMatabeleland South kubva nemusi weMugovera 17 Zvita 2022 uye inofanirwa kufamba zvishoma nezvishoma ichienda kumabvazuva nemunzvimbo zhinji dzenyika,” vanodaro veDCP neveMSD.

“Izvi zvinosanganisira mwando unobva kumaodzanyemba zvichidzika kuenda kumabvazuva kweSouthern Africa nemusi weSvondo, 18 Zvita.”

MSD inoti kunaya kwemvura yakawandisa panguva ino yegore hakuna chakaipa, zvikuru mumwaka unotarisirwa kunaya mvura zvakanaka.

Bazi iri rinoti kunaya kwemvura yakawandisa iyi kunotarisirwa kukanganisa matunhu ari pedyo nenzvimbo huru dzinonaya (main watershed) pamwe nekumabvazuva kwenyika.

Mvura inotarisirwa kunaya zvekudzika kudarika 50mm kune dzimwe nzvimbo uye iine chimvuramabwe. Matenga edzimba anogona kutakurwa nedutu uyewo miti ichidonhedzwa nekudaro veruzhinji vanofanirwa kugara vakangwarira.

Zvichakadaro, bazi reDCP rinokurudzira veruzhinji kuti varonge zvakadzama nezvemamiriro ekunze sezvo kunaya kwemvura kuchigona kukanganisa mabasa avo.

Veruzhinji vanokurudzirwa zvekare kuti vatarisise migero nemakomba zvinogona kuzara mvura apo vatyairi vedzimotokari vanofanirwa kungwarira pakufamba mumigwagwa sezvo vachigona kukanganiswa kuona zvakanaka nekuda kwemvura inenge ichinaya kana kuti yakajenga.

“Vanhu vanofanirwa kugara mudzimba panguva yemabhanan’ana kunze kwekunge vachida kuita zvisingakwanisike kuzoitwa mvura isisanaye,” inodaro DCP.

“Kana kufamba kuchidikanwa nedzimotokari, tapota chenjererai mumugwagwa nekuti kuona zviri mberi neshure kunogona kudzikira uye panogona kuva nenjodzi yemafashamu. Musaedza kuyambuka nzizi dzakazara netsoka kana nemotokari.”

Zimbabwe inorasikirwa neupenyu hwevanhu vakawanda munguva yekunaya kwemvura nekuda kwekuny’ura, mafashamu, kurohwa nemheni pamwe netsaona nekuda kwekutsvedza kwemigwagwa uye nekusaona zvakanaka kwevatyairi. – New Ziana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey