Uncategorized

Mwana (12) aponderwa huku yekukwereta

26 Mar, 2022 - 05:03 0 Views
Mwana (12) aponderwa huku yekukwereta Huku - Broiler

Kwayedza

Luthando Mapepa

MURUME wekuChimanimani anonzi akaponda mwanasikana wake wemakore 12 mushure mekumukava pambavhu apo akange aramba kuenda kumba kwemuvakidzani wavo uko ainge amutuma kunokwereta huku yenyama yemhando yebroiler.

Thomas Pofana (42) wemumusha waMutingwende kwaSabhuku Ngorima akatomiswa pamberi pemutongi wedare reChipinge Magistrate Court, VaAlfred Chinembiri, achipomerwa mhosva yekuuraya mwana wake.

Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi uye akanzi kana achida bhera akumbire kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi VaIsaac Tangwena vanoti nemusi wa5 Kurume gore rino, Pofana akatuma mwanasikana wake, mushakabvu Nyarai, kuti anokwereta huku yebroiler kumuvakidzani wavo, Mai Sarah Taruona.
Nyarai anonzi akaramba kuenda kwaaive atumwa nababa vake.

“Pofana akazobva pamba aine vanakomana vake vaviri ndokuenda kwaMai Taruona kunokwereta huku. Akazodzokera kumba manheru ndokuwana Nyarai akarara pamubhedha.

“Akabvunza Nyarai kuti sei akanga arara vasati vadya kudya kwemanheru asi haana kupindura. Pofana anonzi akabva amukava kamwe chete pahudyu yekuruboshwe.

“Anonzi akamukava zvekare mbabvu yekuruboshwe achibva awira pamatombo maviri aive muimba yekubikira. Pofana anonzi akazobatwa nemudzimai wake, Mai Netsai Chopana, kuti asarambe achirova Nyarai,” vanodaro VaTangwena.

Zuva rakatevera, Nyarai anonzi akazivisa vabereki vake kuti gumbo rake rairwadza uye akange asiri kugona kufamba.

“Nemusi wa7 Kurume, Nyarai akanonoka kudzoka kubva kuchikoro achichema-chema nekunetseka kufamba sezvo gumbo rake raimurwadza. Nemusi wa9 Kurume, utano hwaNyarai hwakawedzera kudzikira izvo zvakazotuma Mai Chopana kuti vaende naye kuchipatara.

“Vari munzira kuenda kuchipatara, Nyarai akadonha pasi ndokubva afa. Zvakabuda muongororo yakaitwa nemachiremba kuti ropa rake rakange ragwamba kurutivi rwekuruboshwe rwembabvu uko anonzi akakaviwa naPofana,” vanodaro VaTangwena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey