MWANA (16) APONDWA ATIZIRA MUFUNDISI

18 Oct, 2023 - 12:10 0 Views
MWANA (16) APONDWA ATIZIRA MUFUNDISI Karen Sibanda

Kwayedza

. Chitunha chaunzwa mudare

. Voda kuripwa nemombe 15

Kingstone Mapupu

MUTUMBI wemwanasikana aiita Form 4 paNembudziya Secondary School, kuGokwe – uyo akafa nekupondwa pachechi iri kuEpworth – wakaita masvondo matatu vanhu vachiramwidzana, ndokuzogumisira waendeswa kudare raSadunhu Nembudziya kuti mhuri dzigadzirisane.

Mutumbi waKaren Sibanda (16) wakapedza masvondo matatu uri kumochari kuHarare apo vabereki vemwana uyu vaida kutanga varipwa kuti uzonovigwa kumusha kwavo kwaNembudziya.

Karen, uyo aiva akamirira kunyora bvunzo dzake dzeO-Level, anonzi akatiziswa naNisson Vundhla (29) anova mufundisi weimwe chechi iri kuEpworth.

Nisson Vundhla

Vaviri ava vakatanga kugara vose kuEpworth uko musikana uyu anonzi akazopondwa chinhambwe chidiki kubva pachechi pavaiva vakaungana nevamwe husiku vachinamata.

Kuroora mwana ari pasi pemakore 18 ekuzvarwa imhosva muZimbabwe.

Regai dzive shiri

Mutumbi waKaren wakazowanikwa mumugwagwa mangwanani mushure mekunge akamboonekwa pachechi achinetsana neaimbova mudzimai waVundhla, uyo waakasiyana naye.

Kuramwirana mutumbi uyu kwaiva pakati pemhuri yekwaSibanda neyekwaVundhla.

Nyaya iyi yakagumisirawo yapinza mhuri yekwakarerwa Vundhla uko ari mubvandiripo.

Mutumbi waKaren wakazoendeswa kudare raSadunhu Nembudziya nemusi weSvondo wadarika ukagara pamhene uri mumotokari kwenguva inodarika maawa matanhatu mhuri mbiri idzi dzichikakavadzana.

Dare raSadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamhuyenanzva, rakasanganisa Vundhla anova aive nemhuri yekwaMlauzi yaaimira nayo uko akarerwa kwakazoroorwa amai vake, nemhuri yekwaSibanda.

Sadunhu Nembudziya

Mhuri yekwaSibanda yaida mombe 15 kuti vabvume kuviga mutumbi wemwana wavo inova nyaya yakakonzera kuti mutumbi wake ugare mumochari kwemasvondo matatu vanhu vachiramwidzana.

Mudare iri, zvakabuda kuti Vundhla akatizisa Karen ndokuenda naye kuHarare uko vakanogara naye kwemasvondo maviri mwana uyu achibva apondwa.

VaLovemore Sibanda (53), baba vaKaren, nevamwe vavo vanosanganisa VaTawanda Mugova (42) vaida kuripwa mombe gumi neshanu mutumbi wemwana wavo usati wavigwa.

VaLovemore Sibanda

Vachitaura mudare iri nevakoma vaVundhla vanosanganisa Martin Machila Mlauzi (40) naLameck Mlauzi, mhuri yekwaSibanda yakati mwana wavo aiva adzoserwa kumashure zvikuru nemurume akamutizisa uyu ndokuzorasikirwa neupenyu anyengerwa.

Martin Mlauzi Machila

Mhuri yaVundhla inonzi yakangokwanisa kubvisa US$200 chete iyo yakatengeswa chikafu chepanhamo nemombe imwe chete zvinova zvairambwa nevekwaSibanda.

Sadunhu Nembudziya vakazopa mutongo wekuti mutumbi wemwana uyu, sezvo wakanga waipa, utange wavigwa kuchigadziriswa nyaya dzekuripana idzi.

Mudare iri makabudawo mashoko anoti mutumbi waKaren waiva wakabviswa nhengo dzakavandika, ziso nezvimwewo.

Vanhu mudare raSadunhu Nembudziya – Mifananidzo naKingstone Mapupu.

“Takaona zvakakodzera kuti mutumbi wemwana waiva wawora kuti unovigwa tichipedzisa dare rekuripana iri nhasi (Muvhuro). Mudare muno zvabuda kuti mhuri yemukomana wekutizisa mwana havana chavainacho, varombo. Saka tawirirana navo kuti kutanga kupera kwemwedzi waMbudzi vachange vachiunza mombe imwe chete kusvikira mombe gumi neshanu idzi dzapera.

“Vanatezvara vanga vachida mombe shanu dzekutanga kuti vagokwanisa kuviga mutumbi wemwana wavo idzo dzisina kuwanikwa,” vanodaro Sadunhu Nembudziya.

Guva raKaren Sibanda

Hama dzaVundhla dzakazomukomekedza kuti ashande nesimba kuti vakwanise kuripa mombe dzinodiwa idzi.

Mai Ednah Mapfumo (49), vanova amainini vaKaren, vanoyambira vanasikana vechidiki kuti vasiyane netsika yekudanana nevanhu vavasina nhoroondo navo sezvo zvichizovapinza mutsekwende.

Dare iri rakatora mukana uyu kuyambirawo vanhurume kuti vasiyane nekatsika kekupinda murudo nevana vasati vabve zera sezvo iyi iri mhosva inoendesa munhu kujeri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey