Uncategorized

Mwana akagochwa nerufuse

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Mwana akagochwa nerufuse

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MWANA mukomana ane makore matanhatu ekuberekwa akatsva zvakaipisisa apo akawira murufuse rwunodaidzwa kunzi “spinning earth” kunzvimbo inorasirwa marara kuChitungwiza.

Malon Tapuwanashe Maruta uyo achiri muchipatara cheChitungwiza Central Hospital anonzi ane hutsva hune hudzamu hwe18 degrees uye akatsva musi wa6 Nyamavhuvu.

Rufuse rwakapisa mwana uyu rwunonzi rwunobva mumarara anosara panobikwa mafuta nekambani huru inogadzira mafuta ekubikisa yeSurface Wilmar iri kuChitungwiza kwakare.

Asi kambani iyi inoti basa rekuchengetedza nzvimbo inorasirwa marara nderekanzuru yeChitungwiza sezvo iyo ichibhadhara mitero kwairi.

Svondo rapera Kwayedza yakanoona Malon, ikazokurukura naamai vake, Bianca Chipaga (35), avo vari kurwadziwa nekukuvara kwakaita mwana wavo.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa6 Nyamavhuvhu masikati apo Malon akanga aine mukoma wake, Marshal (14). Vana vanonzi vakaona dhisiki (disk) raive pamusoro pedota kumarara ikoku Maloni ndokuedza kuritora, achibva any’ura murufuse rwunopisa zvikaita kuti atsva makumbo. Paakaedza kubuda akabva atsva mawoko. Ndinongotenda Mwari kuti akakwanisa kuzobuda,” vanodaro.

Mhuri yakasangana netsekwende iyi inogara kuUnit L uye vana ava vanonzi vanhonga mapepa ekuvesesa moto pakazowirwa Malon netsaona iyi.

Maoko akatsva

“Tinogara pedyo nenzvimbo yakakuvarira mwana asi havawanzoenda kunotambira ikoko. Vainhonga mapepa ekuvesesa moto,” vanodaro Mai Chipaga.

Vabereki vemwana uyu vanoti vane hurongwa hwekusungisa vana muparanzvongo panyaya iyi asi vari kunonotswa nemapurisa ari kuda magwaro ekwachiremba anoratidza hudzamu hwekukuvara kwemwana wavo.

“Chiremba akati achatipa magwaro kana mwana abuda muchipatara, dai tawaniswa magwaro aya nekukasika kuti tisungise kanzuru yeChitungwiza,” vanodaro.

Rosina Kweta (31) wekuUnit L ikoko, anoti makore maviri adarika mumwe murume akawira murufuse urwu akatsva zvekusvika pakurasikirwa neupenyu.

“Dota racho rinopisa zvikuru, asi kana uchiriona rinongoita kunge jecha rakaunganidzwa. Saka vanhu vanotongowira vakarivara. Dai kanzuru, inova varidzi venzvimbo iyi, yakomberedza kunorasirwa marara emhando iyi nekuti tingapera kufa, kunyanya pwere dzinofarira kutambira kumarara,” anodaro.

Anoti kanzuru yeChitungwiza inogona kuchera gomba, roiswa fenzi rakangomirira kukandwa zvinhu zvinokuvadza.

Mutauriri wepachitapara cheChitungwiza Central Hospital, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti kune nyaya dzekutsva kwevanhu kunzvimbo inorasirwa marara iyi.

“Iyi haisi yekutanga kana takatarisa kutsva kuri kuita vanhu kunzvimbo inorasirwa marara iyi,” vanodaro.

VaSylvester Mangani, avo vanova chamangwiza wekambani yeSurface Wilmar, vanoti nzvimbo yavanorasira marara iri pasi pekanzuru yeChitungwiza uye yakanyoreswa zviri pamutemo.

“Handizivi kuti sei vanhu vanenge vawira mudota iri vachizouya kwatiri. Ndinovimba kuti vanogona kunge vasingazive kuti inzvimbo yekanzuru. Isu tinotobvisa miripo sezvinongoita vamwe vanhu vose saka kanzuru ndiyo ine basa rekuona kuti vanhu vakachengetedzeka kubva kune marara anokuvadza.

“Tiri kutarisira kuita musangano neveEnvironmental Management Agency (EMA) nekanzuru yeChitungwiza kuti tikurukure nezvenzira kwadzo dzingaitwa kuti marara atinorasira panzvimbo iyi ange achichengetedzwa zvisina njodzi kuruzhinji,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Tinovimba kuti izvi zvichabatsira mukuvandudzwa kwekuchengetedzwa kwemarara nekuderedza huwandu hwevanhu vanopinda munzvimbo iyi, kuderedza nyaya dzemoto pamwe nekuisa zvikwangwari zvakakwana sechenjedzo kuvanhu.”

Mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vanoti vari kuedza kudzivirira dambudziko rekutsva kwevanhu kunzvimbo iyi.

“Takatoisa zvikwangwari kunzvimbo inorasirwa marara iyi zvichiyambira vanhu nezvenjodzi yekutsva. Tiri munzira kuisa fenzi kuti vanhu vasarambe vachitsika dota iri,” vanodaro.

Mumwedzi waMbudzi 2017, vanhu vatatu vakatsva zvakaipisisa mushure mekutsika rufuse kunzvimbo imwe chete iyi.

Mumwe wevakatsva kasikana kaive nemakore 12 ekuberekwa, Gladys Chihuri, uyo akatsva musi wa22 Gumiguru. Vamwe vaviri vakatsvawo mumwedzi waMbudzi.

Pasi pemutemo unoona nezvekodzero dzevana, weUnited Nations Convention on the Rights of Children (UNCRC) – uyo Zimbabwe yakasainira – uye kuburikidza nemutemo unoona nezvekuraswa kwemarara weHazardous Waste Management Regulation S1 10 of 2007 neweAir Polution Control Regulations S1 72 of 2009, makanzuru nemasangano anoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda ane masimba ekuona kuti nzvimbo nemweya wekufema zvisasvibiswe kana kuisa upenyu hwevanhu panjodzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey