Uncategorized

Mwana ari kutsvagwa

31 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) emuHarare ari kutsvaga mwana musikana ane makore 13 okuberekwa uyo anonzi haasi kuzivikanwa kwaari.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tarirai Dube, vanoti mapurisa epakamba yekuBorrowdale vari kuferefeta nyaya yekushaikwa kwaValerie Maphosa uyo aigara kuBudiriro 2, muHarare.

“Mapurisa edu epakamba yekuBorrowdale Police Station vari kutsvaga musikana wemakore 13 okuberekwa ane muviri uri pakati nepakati anonzi Valerie Maphosa. Ane vhudzi rakasvibirira uye akagumisira kuonekwa nemusi wa24 Kubvumbi gore rino kumasikati kunzvimbo yeConsortium, kuHatcliffe. Aive akapfeka blue jean skirt nebhutsu dzine ruvara rutema nerwegoridhe,” vanodaro.

Insp Dube vanoti Valarie aigara panhamba 2923 Nhoro Close, mumusha weBudiriro 2.

“Chikumbiro chedu semapurisa kuruzhinji rweZimbabwe kune vane ruzivo rwekungava naValerie Maphosa kuti vabate Shiella Maphosa kana mukuru wekamba yeBorrowdale Police Station panhamba dzinoti 0242-860148 kana kutaurira mapurisa ari padyo navo. Vanogona zvakare kuzivisa mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi Investigation Officer Constable Jonga panhamba dzinoti 0776 359 315,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey