Uncategorized

‘Mwana haadye firiji kana motokari’

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
SAMUSHA wekumomoterwa nezvikwereti akaenda kudare achiti mari yaanobvisa kuchengeta mwana wake yamuremera.

Cephas Muzvondiwa akaenda kuHarare Civil Court nechikumbiro chekuti adzikisirwe mari yaari kubhadhara kumudzimai wake, Muchineyi Marange, kubva pa$120 kuenda pa$60 pamwedzi sezvo asisakwanise kuibhadhara nekuda kwezvikwereti.

“Ndinokumbirawo kudzikisirwa mari kubva pa$120 kusvika pa$60 nekuti mari yandiri kutambira mazuva ano ishoma. Yava kuita shoma nekuti ndakatenga firiji nechikwereti saka ndiri kubatirwa $80 pamwedzi. Ndine zvakare chimwe chikwereti chemotokari chandiri kubhadhara kune vanotengesa motokari uko ndiri kubatirwa $220 uye rendi $80. Saka mari yemendenenzi handichakwanisa kuramba ndichibhadhara $120,” akadaro Muzvondiwa.

Marange akatsika madziro achiti: “Mutongi, mashoko ababa ava handisi kutenderana nawo nekuti vari kupedzera mari kuzvinhu zvisina basa vachitadza kuchengeta mwana. Mota iyoyo nefiriji hazvifi zvakachinja kuita sadza kana muriwo pamwe zvinogona kufa asi mwana haangatamburi nekuda kwaizvozvo. “Ari kuudza dare zvekunyepa nekuti hapana rendi yaanobhadhara sezvo ari kugara kumba kwevabereki vake.

“Ngaarambe achibhadhara yaakanga achingobhadhara iyoyo. Handiti kutsvaga zvikwereti manyawi ekushaya zvekushandisa mari yake?”

Mutongi Ruth Kamangira-Samukange akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey