Mwana mukomana okumbira ‘kuroora’ amai vake

17 Dec, 2022 - 08:12 0 Views
Mwana mukomana okumbira ‘kuroora’ amai vake Mambo Zimunya

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wekwaMambo Zimunya, kwaMutare, ari kuda “kuroora” amai vake vekubereka mushure mekuona kuti baba vake havana kubvisa pfuma yeroora mumakore anodarika 60 ayo vakagara vose.

Kunetsana kwamuka pakati pemurume uyu, Panganai Tazirekufa, nemadzisekuru ake hama dzekwaamai vake, vekwaMunyoro, avo vari kuramba zvachose kutambira roora rehanzvadzi yavo, Mwarasheni Munyoro (88).

Tazirekufa, uyo ane makore 60 okuberekwa, anoti akabatana nevanin’ina vake vachida kunobvisa pfuma yeroora raamai vake mushure mekunge vaona kuti baba vavo vakanga vasina kumbobvira vabhadhara kana chipeneti zvacho kwaMunyoro.

Asi vekwaMunyoro vari kuramba kutambira mari yeroora iyi vachiti Mwarasheni anonzi ane chekuita nekupondwa kwemwanakomana wehanzvadzi yake nenzira dzine chekuita nekuchekeresa kumakore ekuma1970 uye haana kuripa ngozi iyi.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Zimunya.

“Amai vangu vanonzi vakauraya mwana wehanzvadzi yavo wavaigara naye muna1976. Mukomana uyu ashaika, amai vangu vakaudza vanhu kuti akanga aenda kuMozambique kunodzidzira kuve murwi wehondo yerusununguko.

“Zvisinei, mweya wemukomana uyu wakatanga kubuda pahanzvadzi yake nguva pfupi yadarika, uchiburitsa pachena zvose zvakaitika kusvika parufu rwake,” anodaro Tazirekufa.

Mwarasheni anonzi akapa muzukuru wake uyu aiva nemakore 16 okuberekwa kune vemabhizimisi kuti vamuuraye vagomuchekeresa.

Asi zvakadaro, nanhasi uno, Mwarasheni achiri kusimbirira kuti muzukuru wake akaenda kunodzidzira kuve murwi wehondo kuMozambique uye anoramba kuti akakonzera kupondwa kwake.

“Hongu, ndaigara naye, asi akabva achienda kunodzidzira kuve murwi wehondo kuMozambique. Haana kudzoka pakapera hondo.

“Sevamwe vanhu vose, ndichakamirira zvakanyanya kudzoka kwake. Ndinovimba kuti nyaya yekunzi mweya wake uri kubuda pahanzvadzi yake ndeyemanyepo. Vanoda kuti ndinzi ndine chekuita nekutsakatika kwake sezvo ndirini ndaigara naye paakashaika,” anodaro Mwarasheni.

Zvisinei, zvinonzi pakatanga mweya uyu kubuda pahanzvadzi yemushakabvu, vemhuri iyi vakanobvunzira kun’anga dzine chitsama uye dzakawanda dzacho dzainongedzera Mwarasheni dzichiti ndiye akakonzera rufu rwemukomana uyu.

Vachipa mutongo wavo, Mambo Zimunya vanoti Mwarasheni anofanirwa kuripa ngozi iyi nemombe sere.

Pamombe sere idzi, nomwe dzichapihwa kune hanzvadzi yake ine mwana anonzi akapondwa apo imwe yacho ichaendeswa kudare ramambo.

Asi Tazirekufa anoti vemhuri yake chavo chete kubvisa pfuma yeroora yaamai vavo uye zvekuripa ngozi zvinoitwa nehama dzaMwarasheni.

“Ini ndinofanirwa kuroora amai ndakamirira baba vangu nekuti hapana chavakabhadhara seroora kwemakore anodarika 60 avakagarisana. Kana tapedza kuroora, tinoenda namai vedu kwaMunyoro kuti vakwanise kuzoripa ngozi iyi.

“Isu tiri vakuwasha vekwaMunyoro nekudaro hatingatungamirire chirongwa chekuripwa kwengozi iyi. Hanzvadzi dzavo ngadzibatsire pakuripwa kwengozi iyi,” anodaro Tazirekufa.

Mwarasheni nababa vaTazirekufa vakabereka vana 13 vose.

Zvisinei, vemhuri yekwaMunyoro vanosimbirirawo vachiti vanakomana vaMwarasheni vanofanirwa kubatsira amai vavo kuripa ngozi iyi.

Baba vemwanakomana anonzi akapondwa, Henry Chizomba-Munyoro, pakambopinda nyaya iyi mudare raMambo Zimunya nguva yadarika, vakakurudzira kuti ngozi iyi ikasike kuripwa kuitira kuti mweya wemwana wavo uzorore.

Asi vakafa vasati vagamuchira pfuma yeroora yehanzvadzi yavo uye ngozi iyi isati yaripwa zvakare.

Ngozi iyi inonzi iri kuenderera mberi nekutambudza vemhuri yekwaTazirekufa.

“Vana vevanin’ina vangu vose vari kutambura. Tinoda kuzoendesa amai vedu kwaMunyoro mushure mekuvaroora,” anodaro Tazirekufa.

Akataura izvi mushure mekunge Mambo Zimunya vamuudza kuti iye nevanin’ina vake vanofanirwa kubatsira amai vavo kuripa ngozi iyi.

“Unofanira kubatsira amai vako kuripa ngozi iyi usati wabvisa roora. Zviri pachena kuti unoda kurasirira amai vako kumhuri yavo uchangovaroora.

“Ngozi iyi inofanirwa kuripwa nekukasika isati yanyanya kubhebha,” vanodaro Mambo Zimunya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey