Mwanakomana otukirira amai vake nezvinyadzi

07 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Mwanakomana otukirira amai vake nezvinyadzi

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kushaiswa rugare pamba pake nemwanakomana wake uyo anouya pakati pehusiku, ogogodza nepahwiwndo achiti amuvhurire apinde mumba uye kana akanonoka kuzarura, anomutukirira nezvinyadzi.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Ndakaziva Mapwenya akadhonzera mwanakomana wake, George Chifamba, achitsvaga gwaro redziviriro.

“George mwana wangu asi anondishungurudza mazuva ose. Anosvika pamba pakati pehusiku otanga kugogodza nepahwindo rangu achiti ndimuvhurire gonhi. Nezera rangu rino ndinoda kuzorora kwete kuramba ndichinzarwo nemwana wandakabereka.

“Ndikanonoka kuvhura gonhi anotanga kundituka nekupwanya midziyo mumba,” anodaro Mapwenya.

“George ndinomupa chekudya, ndini ndinomupfekedza asi zvose izvi haazvione. Anoda kuramba achindiona ndichitambura nguva dzose.”

Chifamba haana kupokana nezvakataurwa naamai vake asi akapa chikumbiro chekuti apihwe makiyi ekupindisa mumba kuti apote achizvivhurira oga gonhi.

Mutongi Tamara Chibindi vanoshamisika nemashoko aya ndokumuti kana achida kugara nemakiyi, anofanirwa kuzvitsvagira imba yake oga.

“Iwe unoda makiyi epamba apa, imba yako here? Une mari yawakabvisa here pamba apa? Kana uchida kuvhura woga gonhi wotobva pamba apa unozvitsvagira pako paunovhura woga gonhi!” vanodaro.

Mapwenya paanobvunzwa nedare kuti Chifamba obviswa here pamba apa, anoti ngaambopihwa mumwe mukana asi kana aramba achimushungurudza anobva zvake.

Mutongi Chibindi vanopa Mapwenya gwaro redziviriro ndokuyambira Chifamba kuti asiyane netsika yekupwanya midziyo uye asashungurudza amai vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey