Uncategorized

‘Mweya’ tugu pamurwere muchipatara

09 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
‘Mweya’ tugu pamurwere muchipatara VaDhire

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PACHIPATARA cheParirenyatwa Group of Hospitals muguta reHarare pakava nekusagadzikana muWard C4 husiku hwemusi weChitatu 6 Kubvumbi apo imwe chembere inovawo murwere muward umu inonzi yakabatwa nemweya, ndokunovhumbamira mumwewo mudzimai murwere ichiti yaida nyama.

Mashoko akawanikwa kune vamwe vanhu vaiva muward umu anoti chembere iyi ingangodaro iine makore anodarika makumi masere, yakangomuka pamubhedha payaiva husiku ndokutanga kukarara nezwi repamusoro ichiti yaida nyama.

“Ini ndiri muno muWard C4, kuno kuParirenyatwa izvozvi asi musataure zita rangu. Kune chembere yabatwa nemweya iri kuda nyama, izvozvi ndichitaura kudai yaenda pane mumwe mubhedha parere mumwewo mudzimai ikamuvhumbamira ndokutanga kumuruma kumeso nepadumbu.

“Varwisana kusvikira varwere vose vadzvamuka nekutya apo vamwe vaedza kununura amai murwere ava, vakoti vanga vachidawo kubatsira asi varohwa,” adaro murwere uyo aramba nezita rake.

Muchembere uyu anonzi anga achidzvova nezwi gobvu achitaurira vamwe varwere nevakoti kuti havambofa vakamugona nekuti shavi raainaro ndere kumvura nekubva kumakomo makuru uye rine simba guru.
“Simba rine muchembere uyu harisi rake, ari kupunzira mikweshwa pasi achiti anoda nyama kuti shavi iri riende. Vamwe varwere kutaura kuno vatiza muward vakanomira kunze,” anodaro.

Mudzimai uyu anonzi akazosungwa netambo kuti aedze kudzikamiswa asi tambo dzaakasungwa nadzo aidambura dzichiita sedzinochekwa nebanga kana nechigero dzimwe dzichinzi dzaidonha dzoga kubva mumakumbo nemumaoko ake.

“Mudzimai wekugarirwa nechembere iyi azotanga kunamata ndokurira nendimi muward muno zvinhu zvikaita manyama amire nerongo,” anodaro.

Zvinonzi painamatwa nemudzimai ainge agarirwa uyu, chembere iyi yakabheja ichiti ine simba rinodarika raMwari.
“Chembere iyi yati rangu simba iguru, rinobva kumvura nekumakomo ichiti ndimi makandituma.”

Muward imwe chete iyi, masvondo akadarika kunonzi kune mumwezve murwere anonzi akagara mukati medhisi hombe umo akadira mvura ndokutanga kuteketera pakati pehusiku ndokunzi akazorovera kumadziro achiti dhishi rake raida kubhururuka naye.

“Muward C4 makare muno makaitika masaramusi svondo rakapera paseri apo mumwe mudzimai akapinda mudhishi hombe iro akaisa mvura ndokutanga kudeketera zvaisanzwikwa nevamwe. Akazobudamo ndokurovera pasi achiti aiva avakuda kubhururuka,” anodaro mumwewo mudzimai.

VaLinos Dhire, avo vanova mutauriri wechipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, vanoti havagone kutsinhira kana kuramba nyaya idzi kuti dzakaitika nekuda kwemitemo ine chekuita nevarwere avo vavanoti vane kodzero dzavo dzinofanirwa kutevedzwa nekuremekedzwa.

“Hatikwanise kutaura pamusoro pevarwere vedu kunyanya zvinoenderana nemarwariro avo zvinhu zvakavandika kwavari. Tinofanirwa kutanga tawana mvumo kubva kwavari kuti tizozvitaura kwamuri imi vatori venhau, saka handigone kuti zvakaitika kana kuti hazvina, mukurarama kwemunhu woga-woga anowana zvinomunetsa zvakasiyana munyama nemumweya. Zvakangofanana sekurwara kwatinoita saka hatina kodzero yekuzvitaura,” vanodaro VaDhire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey