Nadal ombozorodzwa

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

RAFAEL Nadal akasiiwa muchikwata cheSpain Davis Cup icho chichakwikwidza mumutambo weWorld Cup first-round match neCroatia svondo rino nekuti zvinonzi mutambi uyu akaneta zvikuru. Shasha yechitanhatu iyi pasi rose mumutambo wetenesi yakakunda mumasets mashanu naRoger Federer mumutambo weAustralian Open svondo radarika.
“Matambiro ange achiita Rafa mwedzi wadarika ange akanyanyisa zvekuti zvave kukangisa muviri wake,” akadaro Conchita Martinez uyo anove kaputeni wechikwata cheSpain Davis Cup achitaura neSpanish Tennis Federation.
Anoenderera mberi achiti, “Anoda nguva yekumbozorora kuti asvike padanho ratinomuziva ari kana ave kukwikwidza uye ndinovimba kuti mumitambo inotevera achange anesu.”
Spain yakashevedza Feliciano Lopez kuti azotsiva Nadal kumutambo wayo neCroatia iyo yakapedza gore radarika iri pechipiri. Lopez akapinda muchikwata china Roberto Bautista, Pablo Carreno naMarc Lopez icho chichakwikwidza kumutambo wekuOsijek kubva musi 3 kusvika 5 Kukadzi. – Daily Mail Tennis.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey