Nakamba ave pedyo kuenda Luton

20 Jul, 2023 - 23:07 0 Views
Nakamba ave pedyo kuenda Luton Marvelous Nakamba

Kwayedza

MUTAMBI weAston Villa, Marvellous Nakamba, ave pedyo nekuenda zvachose kuLuton Town iyo ichangopinda muPremier League.

Nakamba akatamba mitambo 20 kumaHatters aenda nechikwereti kubva kuAston Villa munaNdira ndokubatsira chikwata ichi kupinda muEPL.

Akatengwa neVilla ndokupihwa kondirakiti yemakore mashanu achibva kuClub Brugge muna2019 asi akange asisiri muhurongwa hwechikwata ichi pamwe nehwaUnai Emery uyo ave kutanga mwaka wake wakazara achirairidza chikwata ichi.

Murairidzi weLuton, Rob Edwards, akambotaura nezvekuyemura kwaanoita mutambi uyu munaChivabvu, akaudza talkSport kuti chizvarwa chekuZimbabwe ichi ndiye ‘‘mutambi waanodisisa pasi rose’’ zvichitevera matambiro aaiita anonwisa mvura.

‘‘Anogona kuita zvaanoda,’’ Edwards anodaro.

‘‘Ange achiita zvakanaka, akazvininipisa, basa raari kuita kumusha kwake rekusimudzira vamwe rakakosha.

‘‘Akauya kuchikwata chedu akazvininipisa uye anogara achinyemwerera mazuva ese, anoita gadziriro dzake sematambiro aanoita.

‘‘Anovaka vamwe tichiita gadziriro, ndizvo anoita achigadzirira asi akauya akaita hurimbo hwakatibatanidza tose sechikwata,” anodaro Edwards.

Luton yakangokundwa mutambo mumwe chete zvichitevera kuuya kwaNakamba kuKenilworth Road – apo yakakundwa neshasha dzeBurnley – ikarwa kusvika yapinda kumaplayoff.

Nakamba achaita mutambi wechina kutengwa neLuton apo vakatarisana nemwaka mutsva uri zvichitevera kutengwa kwakaitwa Chiedozie Ogbene, Mads Andersen naTahith Chong. — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey