Uncategorized

‘Ndakabata mukadzi wangu nechikomba’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu—

MURUME wekuzama kushandisa dare redzimhosva kuti arambe mudzimai wake akazoshaya pekupinda nekunyara apo chikumbiro chake chakaraswa.

Boaster Chakanyuka akaendesa mudzimai wake, Eva Chaleka, kuHarare Civil Court achida kuti abve pamba pake.

“Ngaabve pamba pangu ndisare ndichichengeta vana ndega nekuti haasi kundibatsira pakuvachengeta,” anodaro.

Anoti haachanzwisise mafambiro ari kuita mukadzi wake achiti ane chikomba chinoti chiri kuda kumuroora.

“Mafambiro ake haasi kunzwisisika nekuti ndakamubata aine chikomba mumba mangu. Chikomba ichi chakandiudza kuti chiri kuda kumuroora, saka kuti ndivimbe naye pakuchengeta vana vangu zvava kunetsa nekuti pamwe angazofunga kutiza navo,” anodaro Chakanyuka.

Chakanyuka anoenderera mberi achiti: “Ngaaende kune murume ari kumuda asiyane neni ndifaranuke nevana vangu pamba pangu. Kwete zvekuti ndigare ndichityira vana vangu kana kuti ini ndichifunga zvakawanda zvingadaro zvichiitika kana ndisipo.”

Chakanyuka anoti Chaleka haana chakanaka chaanodzidzisa vana nekuda kwehunhu hwake.

“Haana chaari kudzidzisa vana chakanaka nekuti dai akawanikidzwa nevana vangu aine chikomba zvaizofamba sei,” anodaro.

Anoti Chaleka ari kuda kurambira paimba yake iyo akawana kuburikidza neco-operative.

“Ari kuda kurambira pamba pangu achiti ndepake, asi hapasi nekuti co-operative yakandipa pekugara ndiko kwandinoshanda. Iye haaende kubasa, chake hapana anongoswera akarara asi aona kuti ndavaka ava kuda kurambira ipapo,” anodaro.

Anoti Chaleka anoda kuparadza midziyo yake nehama dzake.

“Chaari kuda kuparadza midziyo yangu iye nehama dzake sezvavakaita mota yangu, vakaitora vakaenda nayo hameno kuti kupi asi izvezvi haichafambe,” anodaro Chakanyuka.

Chaleka anopikisana nechikumbiro chaChakanyuka achiti akabatsirawo mukuvakwa kweimba iyi.

“Ndiri kuda kuchengeta vana vangu paimba yatakavaka tose. Zvake zvekuti ndiye anoshanda ndezvekunyepa, kunyangwe ndikaswera pamba ndinenge nditori nemabasa andinenge ndichitoitawo anobatsira mukuchengeta vana,” anodaro Chaleka.

Mutongi Manasse Musiiwa akarasa chikumbiro chaChakanyuka achiti anofanira kuenda kumatare anoona nezvekubviswa kwevanhu vanenge vachiramba kubva padzimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey