‘Ndakaberekeswa zvidhoma namadzibaba’ . . . zvino madzibaba wacho ava kuzviramba

06 Dec, 2023 - 21:12 0 Views
‘Ndakaberekeswa zvidhoma namadzibaba’ . . . zvino madzibaba wacho ava kuzviramba Annah Mapuranga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuHopley Zone 6, muHarare, anoti aona nhamo nekurohwa nezvikwambo izvo zvinomupfumbira muromo nemhuno panguva yazvinomuzvambaradza kuti asakwanise kuchema.

Mai Annah Mapuranga (34) – avo kumusha vanobva kwaSabhuku Chidawaya, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, uye vakaroorwa vaine vana vatatu – vanoti vava kutadza kushandira mhuri yavo nekuda kwezvikwambo izvi.

“Ndine vana vanoti wemakore 17, 9 neane makore mashanu okuberekwa. Vose vana vangu havasi kuenda kuchikoro nekuti ini ndava kugara pamba pasina chandinoita sezvo ndichingoerekana ndava kurohwa nezvinhu izvo zvandisingaone zvinonzi nevamwe vemweya zvikwambo, vamwewo vachiti zvidhoma,” vanodaro Mai Mapuranga.

Vanoti dambudziko ravo rakatanga munaChivabvu gore rino apo vakataurirwa kuti vaiva nemudzimu waida kusvika pavari. Vakazoenda kune mumwe muporofita wavanogara naye munzvimbo imwe chete vachibva vatanga kushandirwa.

“Ndakatanga kubudirwa nemudzimu ndiri pamba ndokuzoenda kumuporofita anonzi Madzibaba Davie wemuno muHopley. Akanditaurira kuti nditenge machira emudzimu uyu ndokuzoenda kumakomo ekwaChaminuka, kuChitungwiza, uko takanorara vachindigeza mudzimu wangu paine vamwewo vanhu. Kubva ipapo, ndakatanga kurohwa nezvinhu zvandisingaone izvi zvinondibata muromo nemhuno panguva yazvindirova,” vanodaro Mai Mapuranga.

Pakagezwa mudzimu uyu, vanoti vabereki vavo vaivapo nedzimwe hama.

“Kubva ipapo, ndinonzwa izwi ramadzibaba ava richitaura munzeve dzangu richiti vakatora mudzimu wangu vakagadzika zvikwambo pandiri uyewo mazwi aya anouya achiti hakuna anogona kukubatsira kunze kwangu chete. Dzimwe nguva madzibaba uyu anondifonera achinditaurira kuti akandiisa pa’tracking system’ vanoziva kwese kwandiri nezvandinoita. Rimwe zuva akandifonera akandiudza pandaiva ndiri kuComplex yekuGlen View nechivakwa chandaiva ndakatarisana nacho nemumugwagwa wacho,” vanodaro amai ava.

Vanotiwo vanoona madzimai nevasikana vasina kupfeka vemunharaunda mavo avo vanouya vachivati vaende kunoroya vose.

Mai Mapuranga vanoti mudzimu unosvika pavari ndewasekuru vavo, VaZakariya.

Mudzimai uyu anoti anoonawo mifananidzo yemhuka dzakasiyana nezvimwe zvinhu zvaasingazive zvichipinda mumba make.

“Pamwe ndinonyangirwa nevanhu nekumashure kwangu, ndotanga kurohwa ndichidzipwa huro nekudzvanyirirwa pachipfuva nekurohwa mbama. Zvinhu zvakaiswa pandiri zvinonzi zvinondisvetawo ropa.”

Mai Mapuranga vanoti vari kuenda kuna Madzibaba Davie vomutaurira kuti abvise zvikwambo zvavanoti ndiye akavaisa asi ari kuti hapana zvaanoziva pamusoro penyaya iyi.

“Mazwi emurume uyu kana achitaura munzeve dzangu anoti ndiri nhare yake kureva kuti anonditeverera pose pandinenge ndiri. Chinonetsa ndechekuti muporofita uyu akambondipfimba ndikamuramba, zvichida ndizvo zvakaita kuti andiitire hutsinye kudai, hamheno,” vanodaro.

Mudzimai uyu, uyo anoita basa rekuruka vanhu misoro, anotiwo anoshaya mari mumba nezvimwe zvinhu zvakakosha.

“Ndaimbohodha huku ndichitengesa asi bhizimisi iri rakabhuroka huku dzacho ndichingodzishaya. Kune vanhu vandinoziva vanouya vasina kupfeka husiku zvose nemasikati vachiti tiende tose kunoroya,” vanodaro Mai Mapuranga.

Mwana mukuru waMai Mapuranga anonzi akatadza kunyora bvunzo dzeForm 4 gore rino nekuda kwekushaya mari uyewo weGrade 4 neweZero Grade vose havasi kuenda kuchikoro.

Madzibaba David Dube

Madzibaba David Dube (51) wechechi yeJohane Masowe weChishanu, uyo kumusha anobva kwaRusitu, kwaMambo Mutema, kuChipinge, anotsinhira kuti ari kupumhwa huroyi naMai Mapuranga.

“Amai ava vakauya vachida kubatsirwa neni vabatwa nemudzimu ndikaenda navo kumakomo aChaminuka vaine hama dzavo vakanopfekedzwa machira avo. Vanouya kwandiri vachiti vanonzwa mazwi angu munzeve dzavo, vachiti ndakavaisa zvikwambo zvinovarova. Nyaya dzose idzi handidzizive, kana zvekuti ndakavapfimba kunyepa, ndinofunga kuti vava kurwara,” anodaro Madzibaba Davie.

Anorambawo nyaya yekuti akavaisa “tracking system” uyewo nekuti anogara achivaridzira nhare.

“Amai ava vandinetsa, vanouya vachiti ndibvise zvikwambo zvavanoti ndakavaisa asi ini hapana zvandinoziva. Ndine hurongwa hwekutorana navo nehama dzavo nedzangu tofamba kuti zvinoonekwa kuti zviri kumbofamba sei, kana ndabatwawo hamheno zvinoonekwa kuti dambudziko ravo rinobva papi,” anodaro Madzibaba Davie.

Muporofita uyo anotiwo haagone kupikisa mudzimai uyu, achiti anonzwa mazwi aya oga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey