Uncategorized

‘Ndakarohwa nemukuwasha’

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUKUWASHA anonzi akazvindikita ambuya vake apo ainge arambidzwa kutora mwana wake nechisimba uyo wavakatanga kuchengeta aine mwedzi nesvondo rimwe chete asunungukwa mushure mekufa kwaamai vake.Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Felistas Madzivadope akamhan’arira mukuwasha wake, Mashall Zharara, achiti ari kumushungurudza nekuda kwenyaya yemwana uyu. “Mukuwasha wangu haana hunhu zvachose. Ndinotongomutiwo mukuwasha nekuti pane muzukuru asi aingogarisana nemwana wangu pasina kana chaakabvisa. Mwana wangu akarwara kusvika pakufa, haana kuuya kuzomuona kana amai vake havana. Vakangouya vakandisiira mwana wangu kusvika afe, hapana akadzoka,” akadaro Madzivadope.

Ambuya ava vanoti vachengeta mwana ave kudiwa nemukuwasha wavo uyu kubvira ari mucheche kusvikira iye zvino apo ave nemakore maviri ekuberekwa.

“Ambuya ava vanoenderera mberi vachiti: “Akauya akatora mwana muna Kurume gore rino achiti achadzoka naye zuva raitevera racho. Ndakamuti mwana aifanira kuuya achimuona asi asingaende naye sezvo achigara oga asi iye mukuwasha uyu akabva atanga kundirova.

Zharara akaudza dare kuti akatora mwana wake nekuti kumba kwaambuya vake hakuna nzvimbo yakasununguka yekuti afaranuke sezvo vachigara mukamuri imwe chete yemba.

Panyaya yekunzi akarikita ambuya vake, Zharara hapana zvaakataura mudare.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vazodzoka kudare apo nyaya yavo yaizopihwa mutongo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey