Uncategorized

Ndanzwa nekupfimbwa: Mukadzi wemari yejuju

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI anogara mune mumwe musha weshoroma muHarare – uyo anoti atambudzwa nemari yemishonga kana kuti juju, iyo yaanoti iri kungowanda zvekuzara tabhu yekugezera – oti ari kuoneswa nhamo nevanhurume vari kumukanda shoko rerudo vachinyepera kuti vanoda kumubatsira padambudziko rake.

Nyaya yaShylet (40), uyo anogara kuBorrowdale, yakabuda muKwayedza nguva yadarika achitsvaga rubatsiro pamusoro pedambudziko remari yemaUS$ yaari kungoona ichizara mutabhu mumba make.

Mukadzi uyu anoti akaenda neshamwari yake kun’anga yekuMozambique uko akanoromba mishonga yekuti mbatya dzake dzemabhero dzaaitengesa dzimhanyirirwe nevatengi.

Shylet anoti akapihwa mhiko yekuti azodzokera kun’anga iyi nemari yaainge awana mushure memasvondo matatu izvo asina kuita panova pakabva patanga dambudziko remari yave kuzara tabhu iyi.

Mukadzi uyu, uyo anozviti inherera, anoti akambotanga achiita zvechipfambi achiri mudiki nekuda kwekuoma kweupenyu.

Shylet anoti zvakare mumba make anogara nekadende nehari zvinenge zvizere nembeu yavarume vaanoshinha navo iyo “yaanokohwa” pamwe chete neropa revanhu, izvo zvinodyiwa nenyoka nezvidhoma zvake.

Kuti nyaya iyi ibude kekutanga, Shylet anoti haachada zvekushandisa mishonga kupfuma uye atambura nemazimari ari kungozara mutabhu.

Zvichitevera kubuda kwenyaya yake achitsvaga rubatsiro muKwayedza, Shylet anoti ari kuona nhamo nevamwe vanhurume vari kumupfimba vachinyepera kuti in’anga kana maporofita anogona kumubatsira.

“Handichada zvekuramba ndichitsvagwa nevanhu vakawanda, ndadzoka zvakare kwamuri imi (veKwayedza) nekuti ndimi makandiburitsa saka zvave kundinetsa. Ndaona nhamo nekukandwa mashoko erudo apo vamwe vari kuti kana vakarara neni ndokuti zvipere. Vamwe vanoti in’anga kana maporofita emandiriri vanoda kuti ndivape pekugara pamba pangu vachindibatsira,” anodaro.

Anoti akataura nevemasangano anomirira n’anga nemaporofita, veZinatha pamwe neveZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), ndokuvapa nhamba dzenhare yake uye vakavimbisa kuti vachamutsvagira zvitopota zven’anga dzinogona kumubatsira padambudziko rake remari iri kungowanda iyi.

“Ndinoti kune vamwe vose vari kuda kundibatsira, chiregai zvenyu kundifonera nekuti vechokwadi nevenhema handichavaziva. Izvozvi kune mapositori akanoungana pagedhi repamba yangu vachiti vanoda kundibatsira ndikaramba kubuda vakazogumisira vave kutukidzira nezvinyadzi kuratidza kuti vaisada kundiyamura. Pane zvimwe zvavaida,” anodaro.

Shylet anoti ari kushamiswa nekuwanda kwevanhu vanoti vari kuda kumubatsira.

“Nekuda kwenyaya yandakataura yekuti ndinotambirisa vashandi vangu mari inotangira pa$1 000 zvichienda mberi, kune vanhu vari kuuya nemaCV avo vachiti vanoda basa,” anodaro.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti sangano ravo rakazvipira kubatsira mukadzi uyu asi ndokushora avo vari kuda kutora mukana wekupinda naShylet munyaya dzerudo vachinyepera kuti vanogona kumubatsira.

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wesangano reZINPA, VaFriday Chisanyu, vachiti veruzhinji vanofanira kungwarira maporofita nen’anga dzenhema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey