Ndichiri kuzvinzwa: Duduza ‘. . . makore handiwo anotamba nhabvu’

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Ndichiri kuzvinzwa: Duduza ‘. . . makore handiwo anotamba nhabvu’ Edward Sadomba

Kwayedza

Abel Ndooka
KAPUTENI weDynamos FC – Edward “Duduza” Sadomba – anoti makore handiwo anotamba nhabvu uye mwaka uno anoda kurakidza nyika yose kuti tarenda richirimo maari.

Duduza – uyo ane makore 35 okuberekwa – akakatyamadza vatsigiri venhabvu apo akazivisa kuti ave kudzoka kuzotambira DeMbare mushure mekunge apedza makore anodarika 10 achitamba bhora kunyika dzakasiyana dzinosanganisira Mozambique, Sudan, United Arab Emirates neLibya uko akakwanisa kuwana ruzivo rwakadzama rwemutambo uyu.

Achitaura neKwayedza pamusoro pekudzoka kwake kuDeMbare svondo rino, Duduza anoti makore handiwo  anotamba nhabvu.

Anoti mukana waakapihwa kuDynamos achaushandisa kurakidza vatsigiri venhabvu zvaaiita makore ese achitambira kunze kwenyika.

“Nhabvu haitambwe nemakore, tarisai vatambi vakaita saGianluigi Buffon weItaly ane makore 41 ekuberekwa asi nanhasi achiri kudhonza chete. Ini ndichiri kunzwa sekamwana kadiki uye ndiri kunzwa kuti zvichirimo.

“Zvinongodiwa kugona kuzvibata zvakanaka chete,” anodaro.

Chero zvazvo vatambi venhabvu makore ano kana vave nemakore 35 ekuberekwa vanenge vave kutarisirwa kunzi ndiyo nguva yavanosendeka shangu dzangu dzavo, Duduza anoti makumbo ake haasati aneta uye haazive kuti achazorega rinhi kutamba mutambo uyu.

“Chokwadi ndechekuti muviri wangu hausati waneta uye ndikatamba zvakanaka mwaka uno ndinofunga kuti ndinogona kuramba ndichidhonza kwemakore akawanda.

“Chikuru ndechekuti ndigadzirire zvakasimba kuti varairidzi vangu vandipe mukana wekuramba ndichitamba masvondo ese,” anodaro.

Svondo radarika, Duduza akarakidza kuti zvekutamba nhabvu hazvisati zvapera apo akanwisa mumutambo weCharity Challenge Cup pakati peDynamos neCAPS UNITED wakatambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium. Mumutambo uyu, DeMbare yakahwinha 2-0.

Akapedza mutambo wose achitemesa musoro vatambi veKepekepe izvo zvakarumbidzwa nevatsigiri vazhinji venhabvu vaimuona kekutanga achitambira DeMbare zvichitevera kudzoka kwaaita.

Duduza – uyo aive kuNorth Africa uko aitambira nhabvu kuzvikwata zvinosanganisira Al Hilal, Al Ahly nezvimwe –  anoti anoda kusimudzira vechidiki kuti vagosvika padanho raakasvika uye vagorarama hupenyu hwaari kurarama kuburikidza nenhabvu.

“Chandakaona mukufamba kwangu kwese kwandakaita nenhabvu ndechekuti kunze uko vanokoshesa mutambo uyu uye vanokoshesa basa ravo. Kana nguva yenhabvu yasvika vanoita zvenhabvu zvavanenge vachibhadharirwa kunzi vaite, havaite zvekutamba vanoita basa nemazvo.

“Ndinoda kupa ruzivo urwu kuvanin’ina vangu kuDynamos kuti vazive kuti kana vachida kusvika padanho randasvika vanotofanirwa kuzvishandira uye vashande nesimba,” anodaro.

Panguva yaaive kunze kwenyika, Duduza akambowana mukana wekutambira chikwata chemaWarriors asi haana kuzokwanisa kuenda kumitambo mikuru yakaita seAfrica Cup of Nations.

Anoti kudzoka kwake kuDynamos achashanda nesimba uye orakidza murairidzi wemaWarriors – Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa – kuti chipo chichiripo kuti agoshevedzwa muchikwata chichaenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Cup of Nations kuEgypt.

Duduza ari kuedza kutevera matsimba evatambi vakaita saRoger Milla wekuCameroon uyo akanomirira nyika yake kumutambo weFIFA World Cup 1994 ave nemakore 42 ekuberekwa uye naEl Hadary wekuEgypt akakwanisawo kutambira nyika yake kumutambo we2018 World Cup kuRussia ane makore 45 ekuberekwa.

“Hapana mutambi wenhabvu asingade kumirira nyika yake, ini mukana uyu ukauya ndigafare chaizvo.

“Kana tikabudirira kuenda kumutambo weAfcon, ndingafare chaizvo kana ndikapihwa mukana naMhofu wekumirira nyika yangu,” anodaro Duduza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey