Uncategorized

‘Ndingori murume wezita . . .’

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Janet Chari—

MURUME wekumhan’arirwa nemudzimai wake achinzi ari kumushungurudza akazoudza dare kuti mukadzi uyu ave negore nemwedzi yakawanda achiramba kupinda naye mumachira izvo zvinozomupa hasha vopedzesera vave kupopotedzana.

Lazarus Mundandishe akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naLucia Mtetwa.

Mtetwa anoti murume wake ane tsika yekumutuka zvinyadzi pane vana, kusanganisira kumuti ipfambi yemakoko.

“Anondirambidza kuenda kumba kwangu apa achiudza vana kuti ndinoita chipfambi zvokuti ndave kutonyara kutarisana nevana vangu,” anodaro Mtetwa.

Anoenderera mberi achiti murume wake ari kunyima vana mari yechikoro neyechikafu uyezve vave kutoita chikafu chekupemha mumarairi.

“Haandiremekedzi Mundandishe, ndikamukumbira mari yekushandisa pamba anondirova vana vakatarisa,” anodaro Mtetwa.

Mundandishe anopikisana nemudzimai wake achiti anoramba kupinda naye mumachira izvo zvinomupa hasha.

“Tatova negore nemwedzi yakawanda achindidaro, saka anozviita nani?” anodaro Mundandishe.

Anoti mukadzi wake haasi kumukudza semurume, izvowo zvinoita kuti azofungira kuti ari kuita zvechipfambi.

“Anobuda makuseni asingandiudzi kuti ari kuenda kupi, achidzoka manheru. Saka ndichizomutuka nokuti anofanira kundioneka paanenge ave kubuda,” anodaro Mundandishe.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Mtetwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey