Uncategorized

‘NDINI NDAKADYA MUNHU’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vaiva vakaungana parufu rwemudzimai ane mutumbi wakanga uchangobva mukuvigwa kwaMurehwa vakashamiswa apo imwe mbuya inova ambuya kumhuri yakafirwa inonzi yakadura kuti ndiyo yainge yauraya munhu.

Mbuya Enerita Manomano Chitemere (77) vemubhuku raGonzo-Zvareva, kwaMambo Mangwende, ndivo vari kunzi vakaenda kumba kwaiva nerufu ndokusvikotaura kuti vane chekuita nekufa kwemushakabvu.

Akashaika ndiFaustina Zhangazha (79) uyo anga ari mudzimai waVaGororo Takaruza Murwira (81).

Zvisinei, Mbuya Chitemere vanoti havana ruzivo nenyaya yekuti vakaenda kunhamo uko vakanodura kuti ndivo vainge vauraya mudzimai uyu.

Vanoti kana izvi zvakaitika, vanogona kunge vainge vakasvikirwa, vakaputirwa neshavi kana kuti vaine chadzimira.

“Handiyeuke ndiri kumba kwaVaGororo ndichitaura zvakadaro.

Hamheno, kuda kana zvakaitika ndakabatwa neshavi kana kuti ndakasvikirwa uye ndisingazive zvandaiita.

“Asi chokwadi huroyi hwangu hozongobatira parufu? Kana zvakadaro ndinoda kuchenurwa kumaporofita nekun’anga. Imi zvamauya pano mochitotibatsira,” vanodaro Mbuya Chitemere.

VaFidelis Zhangazha (46), anova mwana kumushakabvu, vanotsinhira nyaya yekuti mbuya ava vakataura kuti ndivo vakauraya amai vavo.

“Amai vakashaika vaenda kuJerera, kuZaka kuMasvingo, kuhanzvadzi yangu uko vairapiswa mutumbi wavo ndokuzounzwa kuno.

“Tava muzuva rechishanu taviga mufi, mbuya ava – avo vanova ambuya vedu – vakauya pano kuma9 dzemangwanani ndokusvikopinda mumba yekubikira umo tainwa svutugadzike.

“Vakamira pamusiwo vakabereka maoko avo kumusana vakati, ‘iwe Gororo, ndauya kuzokuudza kuti ndini ndakadya mukadzi wako nekuti iwewo ndiwe wakaurayawo murume wangu.

Apa vaitaurira baba vangu VaGororo avo tainwa navo tea mumba,” anodaro Fidelis.

Anoti mbuya ava vakataura mashoko aya kanokwana katatu pasina akavadavira sezvo vanhu vaivepo vachinzi vakabatwa nekutya.

“Vanhu vaive mumba umu vaisanganisira baba vedu VaGororo, inini, Maidei Zhangazha, Linda Zhangazha, Define Nheta, Evelyn Nyanzira, Dereck Nyanzira, Brenda Zhangazha nevamwewo. Asi tose takaramba tinyerere kudzimara mbuya iyi yabuda ndokuenda,” anodaro Fidelis.

VaGororo Takaruza Murwira vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti, “Mbuya ava vakangosvikopinda mumba vachiratidza kunge vane chadzimira vachibva vati, ‘iwe Gororo wakauraya murume wangu, zvino nhasi ndaurayawo wako mukadzi.

Tafanana.’
“Hapana akavapindura uye vakaramba vamire ndokudzokorora mashoko aya katatu. Vakabva vabuda ndokudzokera kumba kwavo.”

Vanoti pamusoro pekudura kuti ivo ndivo vakauraya munhu, mbuya ava vakavananga huroyi zvakare nekunzi ndivowo vakauraya murume wavo uyo akafa mugore ra1994.

Nyaya iyi vanoti vakazoikwidza kwasabhuku wavo, VaEmanuel Gonzo, uko vakamirira kunzwa kuti ichafambiswa sei.

“Takaimhan’ara kwasabhuku avo vakati inyaya inoshamisa zvikuru. Ndakangomirira kunzwa kuna ivo sabhuku uye ndine tarisiro yekuti ichakwidzwa kwaMambo Mangwende,” vanodaro.

Zvisinei, Mbuya Chitemere vari kurambisisa kuti vakataura mashoko aya, kunze kwekunge kana paine chainge chakavaputira.

“Ini ndakazongonzwa kuti mudzimai uyu afa mushure mekumbonzwa kuti arwara.

Zvekunzi ini ndakaenda kurufu ndikanotaura kuti ndini ndakauraya mukadzi waGororo uye kunzi ndini ndakamunanga kuti ndiye akauraya murume wangu inyaya yandisingazive nezvayo,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naSabhuku Gonzo nezvenyaya ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey