Uncategorized

‘Ndinobara zvimhuka’

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Ndinobara zvimhuka’ Easther achiratidza mazamu ake. - Mifananidzo naTariro Kamangira

Kwayedza

. . . katsi, nyoka, tsoko, kamba

Kingstone Mapupu —
MUDZIMAI anobva kwaMudzimu, kuHurungwe – asi achigara ku- Epworth, muHarare – anoti abata mimba kanokwana kashanu asi achizozvara zvimhuka zvinosanganisira nyoka, tsoko nekamba izvo zvaita kuti atadze kubata mwana wake wekubereka mumawoko.

Pamusoro pazvo, mukadzi uyu – Easther Chirasa (36), wemubhuku raMenoembwa kuMagunje – anoti anoshinhwa naye nezvinhu zvaasingaone, dzimwe nguva zvichimuyamwa mazamu ake ayo ave kugara achingobuda mukaka.

Anotizve akatozoguma arambwa nemurume nekuda kwemashura anoitika kwaari aya.

“Rangu dambudziko nderangu ndoga, vamwe vanotaura kuti vakafirwa nevana asi ini ndinozvara zvimhuka zvichifa. Ndakaita pamiviri paisvitsa mwedzi inodiwa kana kudarikidza, apo ndaizvara mhuka dzichifa uye izvozvi handina mwana kana mumwe chete zvake anoshura.

“Pamimba yekutanga ndakabara chinyama chaicho, icho chaiva chitsvukutsvuku chiine kamusoro kaiita sekahozhwa. Kechipiri ndakabereka katsi hombe, yaitochema ikauraiwa nevakuru ikapiswa. Mimba dzose idzi dzaisvitsa mwedzi mipfumbamwe kana kudarikidza kusvika kumwedzi 12,” anodaro Easther.

Anoti panhumbu yechitatu akasununguka zvakare chinyama chihombe chaiva nemakwati nemusoro wekamba icho anoti vakuru vaivepo vakangoti ikamba yemumvura.

“Ndabva panhumbu yandakazvara kamba iyi, yechina yacho ndakabara mwana aiva nechimiro chemhuka yaiita setsoko, asi aine vhudzi seremunhu akapemwa nemazimvere muviri wose.

“Nhumbu yechishanu ndiyo yakanyanya kushamisa vanhu, kusanganisira neni, ndakasununguka nyoka hombe chaiyo iyo yakauraiwa, ikapiswa asi isina kuzivikanwa rudzi rwayo. Upenyu hwangu ndehwekuzvara zvidhoma nezvikwambo pasina mwana wandinobata mumawoko,” anodaro Easther.

Anoti izvi zvaiitika ari kumusha kwavo apo akanga akaroorwa naJosiah Musariri kubva mugore ra2006.

Anotizve vakazombotama kuenda kuDomboshava uko dambudziko iri rakaramba richiitika.

“Murume wangu akamboshingirira apo taifamba tose ndichinzi ndinoitwa mukadzi nezvidhoma nezvikwambo – hanzi ndizvo zvaikonzera kuti ndiite nhumbu dzaizvarwa mhuka. Asi akazoramwa achibva azondiramba mugore ra2013,ndikazotsvaga basa remuchitoro kuCentenary uko ndakazobva ndouya kuHarare,” anodaro.

Easther anoti kubva panguva yose iyi kusvika izvozvi, anoshinhwa naye nezvinhu zvaasingaone uku achiyamwiwa kuita seachabuda ropa.

Easther achiratidza mazamu ake. – Mifananidzo naTariro Kamangira

“Pamusoro pekuzvara mhuka, ndinoitwa mukadzi zvakaomarara nezvinhu zvandisingaone – masikati machena ndakatosvinura uku zvichindiyamwa. Ndave kugara ndichijuja mukaka ini ndisina mwana kudai.

“Dzimwe nguva zvinondivinga husiku ndirere zvoita madiro neni, zvekuguma ndazvimba sikarudzi ichivava zvikuru zvose nemazamu angu.”

Anoti baba vake akaenda kwavari achinotaura dambudziko rake iri asi havasi kumubatsira.

“Baba vangu VaJohn Chirasa naamai vangu Shumirai Ndlela vose vapenyu, vari kumusha kuMagunje. Ndikanotaura nyaya iyi baba vanoda kundicheka nebanga – havandibatsire.

“Izvozvi ndinotya kudzokera kumusha nekuda kwenyaya iyi. Handizive kuti ndopotera kupi,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti mumhuri yavo vakaberekwa vari vanomwe – vakomana vaviri nevasikana vashanu – uye vamwe vake vanosanganawo nematambudziko akada kufanana nerake.

“Ini ndini wekutanga mumba medu, asi vamwe vanin’ina vangu vanosanganisira Oripah Chirasa (31) naLetwin Chirasa (29) vane matambudziko anovashungurudzawo.” Mudzimai uyu pari zvino ari kushandirwa nemumwe muporofita wemuHarare.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vaEasther kuti inzwewo mativi avo panyaya iyi.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanokwanisa kumuridzira nhare dzinoti 0718 674 715 kana 0784 522 751.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey