Uncategorized

‘NDINODHAURISA VANHU NEMHENI’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘NDINODHAURISA VANHU NEMHENI’ Sekuru Kafela vakabata zai remheni - Mifananidzo naKimberley Kazungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

“ININI ndini Sekuru Kafela, ndine mheni, ndinogadzira futi mheni — zvose zvemheni ndinogona kuzviita. Kana kune vanoda dzekutenga, ndinovapa.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nen’anga inogara mumusha weUnit J, kuChitungwiza.

N’anga iyi inobuda pachena kuti inotengesa mheni kune vanhu vanodzida.

Sekuru Amos Kafela (64) — avo kumusha vanobva kuMushinji, kuMalawi — vanoti, “Ndave nemakore akawanda ndichigadzira nekutengesa mheni.

“Mheni dziri kutengwa semabhanzi anopisa, zhinji dziriko mazuva ano ndedzekugadzira idzo seni, ndinogadzira ndodzitengesera vanodzida.

Ndidzo dzavanozotumira kunorovesa vanhu kana zvipfuyo nekupisa dzimba dzevamwe vavanenge vakakanganisirana navo.

“Asi, mheni haiende kunorova kumba kwemunhu wausina kukanganisirana naye.

Ukaituma kusina mhosva inodzoka ichikurova iwe. Mheni yekugadzira hainonoke kukumenya nekuuraya, yasiyana neyaMwari.”

Sekuru Kafela vanoenderera mberi vachiti, “Mheni yaMwari inorova nguva yemvura kuchinaya, yekugadzira inogona kurova kusinganaye kana muChirimo.

Ndinonotora mazai acho ekugadzirisa mheni kuChipinge nekumusha kwangu kuMalawi.

Zai remheni ndiro randinotengesa ndarisanganisa nemishonga — inenge yatova mheni yako iyoyo.”

Vanoti kana vakakumbirwa kuti varovese munhu nemheni, vanozviita asi vanotanga vatarisa kuti munhu iyeye ane mhosva here yaakapara.

“Zai remheni rakasiyana nerehuku kana reshiri. Rinogadzirwa nemishonga yakasimba inobva pasi pemvura nemumhuka dzinorwisana nemheni.

“Kune chimhuka chinoshamira moto wemheni painopeny’a icho chinogara mumakomo.

Chikarohwa muromo chinobva chabata zai remheni chonorisvipa ini ndozoenda musango umo ndinonoriwana.

“Kana hwai zvakare inorwisana nemheni, nekudaro pakugadzira mheni ndinotora huropi hwehwai nemakonye matanhatu anowanikwa pahwai ndogadzira mheni dzandinotengesera vanhu,” vanodaro Sekuru Kafela vasina kana ganda kumeso.

Munhu anonzi asina ganda kumeso ndeuya asina nyadzi.

Vanotizve vanotora mwoyo weshumba negonye rinowanikwa munyama yeshumba iro ravanoshevedza kuti “garudzo”, izvo vanosanganisazve nemishonga pakugadzira mheni.

“Ndapedza kusanganisa mishonga yose yandataura iyi, panogadzirwa mheni hombe yatinoti “Bazooka” iyo inoparadza chose chayasangana nacho.”

Kwayedza yakazvionera zai rinonzi nderemheni iro raisanduka ruvara apo rainge rakabatwa en’anga iyi richiita serinofamba roga nekupenyerera.

Votaura nezviri kuitwa nen’anga yekuChitungwiza iyi, Sekuru Shumba VaRayton Munonoki (31) vanogara kuMufakose, muHarare, vanotsinhira kuti vanogadzirawo mheni.

“Mishonga yacho inowanikwa kumakuva.

Munhu akafa anoshandiswa kugadzira mishonga iyi, yosanganiswa nemapfumo, mapanga nemapadza zvisingashandiswe.

Hongu, mheni yaMwari iriko asi marovero ayo akasiyana neyekutumirwa.

“Mukaona mheni ikapinda mumba, inogona kusarudza vamwe vanhu yovaburitsa panze vasina kana kupiswa kana kukuvara yosara ichirova vamwe.

Iyoyo ibvai maziva kuti ndeyekutumwa,” vanodaro.

Vanoti mheni pose payarova — ingava yaMwari kana yekugadzira — inosiya mazai.
“Mheni zhinji dzinochengeterwa kumakuva uko dzinotorwa kana dzave kunoshandiswa.

Mheni inofamba iine chimiro chejongwe, mhuru kana dzimwe mhuka.

Dzimwe nguva inoita kunge bhemba dzvuku mumvura uye zvine mhiko dzakaomarara pakuita mheni,” vanodaro Sekuru Shumba.

Vanoti mazai emheni ndeyeruvara rweblue uye anopeny’a zvikuru.

Zvichakadai, Madzibaba Mateo Mupfumbati vemuHarare vanoti kugadzira mheni huroyi huri pachena.

“Vanhu kugara pasi vachigadzira mheni, vachidzitengesa sevari kutengesa nyama? Uku kuromba kuri pachena,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey