Ngatirarame upenyu hutsva — Mahomva

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Ngatirarame upenyu hutsva — Mahomva Dr Mahomva

Kwayedza

Patrick Shamba Mupepeti
VERUZHINJI muZimbabwe vanofanirwa kutanga mararamiro matsva ayo anoenderana nekuvadzivirira kubva kuchirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 uye vosiyana nemararamiro avagara vachiita kubva kare.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Coordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti vanhu vanofanirwa kuita mararamiro matsva ekuona kuti vagara vachigeza maoko avo nesipo nemvura inochururuka, vopfeka mamasiki uye vosiyana nekuungana nekuita chitsokotsoko.

“Vanhu vanofanirwa kuchitoita mararamiro matsva – kukoshesa hutsanana nekugeza mawoko avo nesipo nguva nenguva, kupfeka iwo mamasiki aya nekukoshesa kuti havaite chitsokotsoko. Uku ndiko kwatova kurarama kutsva, kungava kudzimba kana kumabasa,” vanodaro Dr Mahomva.

“Tinofanirwa kuziva kuti Covid-19 chirwere chitsva, saka hakuna ange akachigadzirira. Nekudaro ongororo dzichiri kuitwa kuti paonekwe nzira kwadzo dzekuchirwisa.

“Chinongovapo bedzi pari zvino kubatsira kana kuti kutsigira murwere. Naizvozvo kuzvigona bedzi kuona kuti denda iri haripararire munyika nekuita zvinokurudzirwa neveutano,” vanodaro.

Vanoti nekuda kweCovid-19, hakunazve imwe nguva ichauya yekuti vanhu vachadzokera mukurarama kwavo kwakare.

“NeCovid-19, mararamiro akatosanduka. Hatichadzokerazve mukurarama sezvataiita kare. Ngatiraramei patsva – iya inonzi pachirungu ‘new normal’.”

Chirwere cheCovid-19 chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe mange mawanikwa vanhu 591 vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavarwere ava, 162 vavo vakatonaya kudenda iri kuchiti vamwe vanomwe vakashaya.

Dr Mahomva vanoti danho reHurumende rekuti veruzhinji vambogara kudzimba richiripo, asi kungoti rakanyevenutswa kuitira kuti nyika nevanhu vayo zvifambire mberi.

Vanoti kukwira kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe hazvishamise sezvo zvange zvakatarisirwa.

“Chakakosha kuti tinge takagadzirira. Sekuziva kwenyu, vazhinji vevari kuwanikwa vaine chirwere ichi ndevari kubva kunze kwenyika avo vari kudzoka kumusha. Ivava ndivo vari kuuya nehutachiona hwakanyanya.

“Tiri kushushikana nenyaya idzodzo nekuti dzimwe nguva tiri kuzongoona vanhu vatosvika pamuganho wenyika tisina kana kumboziviswawo. Asi takakumbira kunyika dzatinodyidzana nadzo kuti kana dzave kudzosa vanhu, dzitizivisewo kuitira kuti tiite gadziriro. Asi dzimwe nguva hazvisi kuitika saizvozvo.

“Saka senyika, takaona kuti hatingangochema ivo vanhu vedu vachidzoka, ngatigashirei hama dzedu, tovatora tichivaongorora nekuvachengetedza munzvimbo dzatakavagadzirira. Kana vaonekwa vaine hutachiona tovaisa kwavo,” vanodaro.

Vopindura kuti Zimbabwe yakagadzirira zvakadii kumisa kukwira kwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19, Dr Mahomva vanoti: “Hatingabva tati takagadzirira zvose. Chirwere ichi chitsva, saka hakuna angati anga akagadzirira zvose pachirwere chaanga asingazive. Tange takangogadzirira zvirwere zvatinoziva, ichi changouya pasina anozvitarisira pasi rose.

“Patakaziva nezvacho ndipo patakatangawo kumhanya-mhanya tichigadzirira. Tiri kuonawo kuti zviri pari nani asi tinoramba tichigadzirira.

“Pakatanga kuparurwa zvirongwa naPresident Mnangagwa zvekuti denda iri rava dambudziko, takatangawo kumhanya-mhanya tichigadzirira. Pekutanga, taingova nezvipatara seWilkins Hospital, muHarare izvo zvaingotambira vanhu vane denda iri, asi zvino tave nezvipatara nyika yose zvinokwanisa kubatsira varwere vakanyanya kuomerwa nedenda vanoda rubatsiro rwemaICU (intensive care unit).

“Zvipatara zvedu zvange zvichingova nemaICU ezvimwe zvirwere, asi pari zvino zvava kukwanisa kubatsirawo varwere veCovid-19. Mukasvika sepaParirenyatwa munotoona kuti chipatara ichi chakaganhurwa, chave nechikamu chakamirira kubatsira varwere vatsva ava.

“Kumatunhu ose enyika kwava nezvipatara zvakadaro, zvine maICU anobatsira varwere veCovid-19 vanenge vakabatwa nedenda iri zvakakomba.

“Asika, hatidi kunyengedzana tichiti takagadzirira zvose. Handifunge kuti pane nyika – kana idzo dzinoti dzine mari –  inogona kuti tagadzirira zvose. Zvisinei, isu tiri kumhanya nesimba.”

Dr Mahomva vanoti mimwe yemishonga iri kunzi nedzimwe nyika inobatsira pakurapa Covid-19 seunonzi dexamethasone yagara irimo muZimbabwe asi ichishandiswa kurapa zvimwe zvirwere.

“Payakanzi inoshanda (dexamethasone) isu takatoti tagara tange tiinayo, chiregai tichitsvaga imwe kuitira kuti isazotiperera,” vanodaro.

Vanoti mimwe yemishonga inotaurwa iyi ichiri kuongororwa nekuti hazvina kunaka kuutano hwevanhu kungoti wose mushonga wanzi unoshanda, wobva watosevenzeswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey