Uncategorized

Ngirozi yangu inouraya: Madzibaba

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Ngirozi yangu  inouraya:  Madzibaba

Kwayedza

MUPOROFITA wekuRugare, muHarare, anoti haana kusiyana nevaroyi sezvo achikwanisa kudzosera zvipotswa kuvaridzi vazvo izvo zvinenge zvatumirwa kunokuvadza vamwe vanhu.Madzibaba Strive Masango (30) — uyo kumusha anobva kwaDick Huck, kuMt Darwin uye ari mukuru nemuvambi wechechi yeKubata kweVapositori Faith Apostolic — anoti haaone chakaipa pakudzosera zvipotswa izvi kuvaridzi vazvo.

“Varoyi vanozviziva kuti ini ndini muroyi wavo mukuru. Ndinovadzosera huroyi kana zvipotswa zvavanenge vatumira kune vamwe vanhu.

“Ndinogona kuisa mhiko dzangu dzekudzosera zvinhu zvacho zvonouraya muridzi kana kuti vatenzi. Zvinonobvunzana kuti sei waida kuti ndinouraya munhu asina mhosva,” anodaro.

Madzibaba Masango anoti anoshandisa girazi netsvimbo sezvinoitwa nen’anga pakushandira vanhu.

“Ini ndinoshandisa ngirozi dzakasiyana pakunamata nekubatsira vanhu. Asi pakudzosera zvakaipa kuvaridzi vazvo ndinoshandisa ngirozi yehondo isina tsitsi, inouraya,” anodaro.

Mumba munoshandira muporofita uyu mune zvinhu zvakawanda zvechivanhu zvinosanganisira machira, tsvimbo, zvikari, tsanga nemigoti.

Madzibaba Masango anoti kune mhando dzakasiyana dzezvipotswa zvakaita sezvinokonzera kuti munhu afe kana kuti mwana wechikoro anoita dofo asi iye ange achimbogona.

“Tomboti munhu akaiswa chitsinga chekuti azvimbe makumbo kana kutamba nhova ari munhu mukuru kana zvimwewo zvirwere, ndinogona kuisa mhiko yekudzosera zvinhu izvi zvonosvika zvichiuraya muridzi nekuti zvinodzokera zvava nehasha,” anodaro Madzibaba Masango.

Anoti mukushandira kwake, anokoshesawo madzinza evanhu ayo aanoti ndiwo musimboti wekuziva kuti munhu akabva kupi.

“Panoroyiwa munhu kana kuitirwa chinhu chakaipa, kuti zvibudirire dzinza remunhu nemutupo wake zvinotanga zvazivikanwa wozopotserwa chipotswa kana dzimwe nzira dzekuroyiwa,” anodaro Madzibaba Masango.

Muporofita uyu anoti kune zvirwere zvinokonzerwa nekuroyiwa vanhu voguma vave kuenda kuzvipatara uko zvinotadza kurapika.

“Vamwe vanoita zvechiRungu vanoti ‘back to sender’. Zvino isu pachivanhu tinoti ‘chivi ngachidzokere kumuridzi kana mwene wacho’ chonopedzerana naye.” Madzibaba Masango anotiwo mifananidzo yevanhu inoshandiswa zvikuru mukuroya.

“Mifananidzo yevanhu yakanaka zvikuru asi yakaipawo kana vanhu vachida kukuroya. Pikicha inogona kuteketerwa munhu akatofa. Vamwe vakadzi vanoda kugadzira varume kuti vadiwe kana kuparadza dzimba dzevakaroorana vanogona kushandisa mufananidzo bedzi,” anodaro Madzibaba Masango.

Anotizve izvi zvimwe chete nembatya idzo dzinogonawo kushandiswa mukuroya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey