Uncategorized

Ngozi yodya sikarudzi

12 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Ngozi yodya sikarudzi Veresy Mutungwazi

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MHURI ina dzekwaMarange dziri kuoneswa pfumvu nengozi iyo inonzi inoita kuti sikarudzi dzevanhurume dzingoerekana dzachekwa nemunhu asingaonekwe, dzobva dzodonha pasi, munhu otofa pakerepo.

Ngozi iyi inonzi parizvino yave kuda kuripwa nemombe 50 nevemhuri idzi uye iri kupofomadza zvakare zvipfuyo zvavo zvinosanganisira mbudzi.

Vanhurume vemhuri dzinoti Mukanjari, Denga, Ndova naMauchaza vanonzi vanotanga nekuita maduzu anenge ehutsva muviri wose.

Pakerepo, nhengo dzavo dzakavandika dzinobva dzachekwa dzodonha, zvinobva zvakonzera kuti vafe.

Mweya wengozi waRuwizhi Makondo Mashato — uyo akafa nekupondwa makore 29 adarika — unonzi uri kuti aya ndiwo maponderwe aakaitwa nevanhu vemhuri ina idzi.

Mweya uyu uri kubudira pavanhu vakasiyana vemhuri idzi uchitaura kuti sikarudzi yemushakabvu, pamwechete nemusoro wake zvakachekwa nevavakidzani vake vashanu nechinangwa chekuchekeresa.

Mutumbi wake unonzi wakazokandwa mutsime.

Dunmore Mukanjari

Vaviri vevamwe vari kupomerwa kuponda Mashato —Dunmore Mukanjari naDorcus Ndova — vachiri vapenyu apo vamwe vacho — Manzinde Denga, Godfrey Denga naAgnes Mauchaza vakafa.

Mauchaza anonzi akazviuraya makore mashoma adarika mushure mekunge atambudzwa nemweya wengozi yaMashato.

Nyaya iyi parizvino yakasvitswa kwaMambo Marange, VaBernard Murwira, uye Mukanjari ari kubvuma kuti ane chekuita nekufa kwaMashato.

Ndova, zvisinei, ari kurambisisa kuti mumwe wevakapara mhosva iyi achiti akangoona murume uyu achipondwa.

Asi mweya waMashato unoti Ndova ndiye aive akabata dhishi raichururikira ropa rake apo akapondwa mugore ra1992.

Mercy Nyaude

Achitaura neKwayedza, Takesure Chadambuka — uyo anova babamukuru waDorcas Ndova — anoti mhuri yavo haizi kudya rinopisa nekuda kwengozi yaMashato.

“Tinoda kuti (Ndova) agadzirise nyaya iyi nekukasika tisati tapera tose sezvakaita mhuri yekwaDenga. Chivanze chemhuri yekwaDenga chazara makuva.

“Manzinde Denga nemwanakomana wake Godfrey, vamwe vaive muchikwata chakaponda Mashato. Zvinotyisa nekuti hatizive kuti ndiani ari kutevera. Mukoma wangu akafa munaZvita gore rapera nekuda kwemweya wengozi uyu,” anodaro Chadambuka.

Zvichitevera kubvuma kwakaita Mukanjari mhosva, Mambo Marange vanoti nyaya iyi inofanirwa kuiswa mumaoko emapurisa.

“Munyaya dzakadai, matare emadzishe neanotonga pamusoro pekuparwa kwemhosva ose anofanirwa kuve nechekuita nadzo. Vakapara mhosva iyi vanofanirwa kuripa ngozi nekupikira mitongo yavo kana vachinge vabatwa nemhosva,” vanodaro Mambo Marange.

Veresy Mutungwazi, anove muroora mumhuri yeMukanjari, anoti akafirwa nevana vashanu nekuda kwengozi iyi.

Anoti vanakomana vake vose vakashaya vaimuka vaine maduzu muviri wavo wose uye vachinzwa kupera simba.

Nhengo dzavo dzakavandika dzinonzi dzaizongodonha vachibva vangofa.

“Ndasarirwa nevana vaviri chete uye ndinovatyira upenyu hwavo kana pakashaikwa chinoitwa. Ndinonamata kuti pane achataura natezvara vangu kuti vabvume kuripa ngozi iyi. Hazvina kunaka kuti ndirasikirwe nevana vangu nekuda kwekutadza kwakaitwa nemumwe munhu.

Mambo Marange

“Pakafa mwana wangu wekutanga, tose takafunga kuti zvimwe chirwere chisingazivikanwi chamuuraya. Asi takazotanga kunyumwa pakafa mwana wechipiri nenzira imwe chetewo mwedzi mishoma yakatevera. Mushure mekufa kwemwana wangu wechipiri, mweya wengozi yaMashato wakatanga kubuda uchitaura zvose zvakaitika.

Ngozi iyi iri kuti inogona kuuraya mhuri yose yekwaMukanjari kana isina kuripwa,” anodaro Mutungwazi.

Mercy Nyaude – uyo akaroorwa zvakare mumhuri yekwaMukanjari — anoti vana vake vaviri vakafawo nenzira imwe chete iyi.

“Vamwe vemumhuri vakafa mushure mekubuda ropa kunhengo dzavo dzakavandika.

Sikarudzi dzavo dzaizongoerekana dzachekwa, vobva vafa.

“Mweya wengozi yaMashato unoti akarwadziwa zvakanyanya apo nhengo dzake dzakachekwa nevakamuponda nekudaro vose vari kufa vanofanirwa kufa nenzira yakadaro.

“Ngozi iyi iri kukonzera zvakare kuti zvipfuyo zvedu zvinosanganisira mombe nembudzi zviite mapofu. Dzimwe nhengo dzakavandika dzezvipfuyo izvi dzinongoerekana dzanyangarika,” anodaro Nyaude.

Mambo Marange vanoti dzimwe nhengo dzemutumbi waMashato dzakawanikwa mutsime ravakakanda uye dzakazovigwa zvine mutsigo.

Zvisinei, mwanakomana waMashato, Harrison, anoti mhuri yavo haisati yawana marangwanda ababa vake kuti agozovigwa.

“Handizive kuti marangwanda aya akaiswa kupi apo paakabviswa mutsime nekuti ndakange ndichiri mudiki panguva iyoyo. Hatina kumbobvira taviga marangwanda ababa vangu. Mweya wavo uri kubuda zvakare mumhuri medu vachiti vanoda kuti nyaya iyi ipere kuburikidza nekuvigwa zvakanaka,” anodaro said Harrison. 

Mambo Marange vanoti havazive kuti nyaya yemarangwanda aya yakafambiswa sei sezvo vaive vasati vave pachigaro ichi apo paakatorwa mutsime maaive akandwa.

“Ndinonzwa kuti zvakavatorera mazuva matatu kuti vawane dzimwe nhengo dzemutumbi wababa vangu. Vanhurume ava nevanhukadzi vaive vavakidzani vedu uye hatina kumbobvira tafungira kuti vane chekuita nekutsakatika kwababa,” anodaro Harrison.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey