Uncategorized

Ngwarirai dutu, mafashamu: CPU

26 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
Ngwarirai dutu, mafashamu: CPU VaNathan Nkomo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKURU wechikamu chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika cheCivil Protection Unit (CPU), VaNathan Nkomo vanoti zvichitevera mvura zhinji iri kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika iine dutu, zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze upenyu hwavo kuburikidza nekusayambuka nzizi dzakazara uye kuona kuti matenga edzimba dzavo akasimba kuitira kuti asatakurwe nemhepo.

Izvi zvinotevera kusvika kwakaita mvura ine dutu yeTropical Storm Ana munyika muno iyo yakabva nekuMozambique nemusi weChipiri svondo rino.

Mvura iyi inonzi yakaparadza dzimba dzinosvika sere uye ndokudzura miti kunzvimbo dzinosanganisira Nyanga neChimanimani, kudunhu reManicaland.

VaNkomo vanoti pari zvino chikamu chavo chiri mushishi kubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi zvichitevera kunaya kuri kuita mvura ine dutu iyi.

“Tiri kushanda pamwe nekambani yeGrain Marketing Board (GMB) uye pari zvino tabatsirwa nematani 50 echibage padunhu rega-rega kuti tikwanise kupa rubatsiro rwechimbi-chimbi kune vose vanenge vawirwa netsekwende iyi. Rubatsiro rwakawanda rwunogona kudiwa zvichifambirana nekukura kunenge kwakaita dambudziko iri,” vanodaro.

VaNkomo vanoti zvekare mauto eAir Force of Zimbabwe (AFZ) ari kubatsira vanhu vanenge vasangana nemafashamu, zvikuru kumatunhu ari kumabvazuva kweZimbabwe.

“Takadzidza zvakawanda kubva pamafashamu adarika eCyclone Idai saka iko zvino takagadzirira zvakasimba uye zvikoro zvichafanoshandiswa senzvimbo dzinogarwa nevanhu vari panjodzi yemafashamu,” vanodaro.

VaLovemore Meya

Zvichakadai, mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya vanoti vane nzvimbo dzavakagadzirirawo vagari veko kuti vanohwanda kana vachinge vasangana nenjodzi yemafashamu.

“Tiri kuzivisa veruzhinji kuti kana pachinge paitika mafashamu, varegedze kumirira kuudzwa zvekuita asi kuti vanongomhanya neupenyu hwavo vonohwanda panzvimbo dzinoti Unit L Hall, St Aidans Primary School, Chaminuka Primary School uye kuAquatic Complex nekuti ndidzo dzakakwirira uye dzakachengetedzeka,” vanodaro VaMeya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu vanokwanisa zvekare kuchaya nhare kumahofisi ekanzuru dzinoti +263 712843478, Zimbabwe Republic Police Command Centre, Makoni (02421) 22008, Zesa Faults (02421) 24921, council fire hotline (02421) 24000/ 02421/ 24921 kana kufonera VaRatimba vanova acting chief fire officer pa+263 719386 505 kana vanoona nezvemaamburenzi pa+263 779622900.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey