‘Ngwarirai zororo rava kusvika iri’

12 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
‘Ngwarirai zororo  rava kusvika iri’ Bishop Cuthbert Nyaruvenda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) riri kukurudzira maporofita, n’anga neveruzhinji kuti vasaungane panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva, iyo inove nguva inowanzoitwa mitambo yakasiyana, nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti zvakakosha kuti maporofita, n’anga neveruzhinji vatevedzere matanho ose akananga kurwisa Covid-19 iyo pari zvino iri kuratidza kukwira munyika muno.

“Tinonzwa nenyanzvi dzezveutano kuti chirwere cheCovid-19 chiri kukwira munyika zhinji dzemuno muAfrica, kusanganisira muZimbabwe, nedzimwe dzepasi rino saka ngatisaunganei tichifarisa pazororo ratatarisana naro iri. Tinoziva kuti tichange tichiungana nekudya nekunwa, vamwe vanoda kuvakira makuva vamwe vachida kuita michato nemamwe makungano akawanda asi tinoti ngatisafarisei nekuti Covid-19 ichiriko,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Vanokurudzirawo n’anga nemaporofita kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 nekuda kwebasa ravo rinoita kuti vasangane nevanhu vakawanda avo vanenge vachida kubatsirwa.

“Imwe nyaya tinoti machiremba echivanhu nemaporofita ngavanyorese kuti vawane magwaro ekuita basa zviri pamutemo uyewo voenda kunobaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi. Tinokudzira vanhu kuti vabatsirwe nemachiremba kana maporofita vane magwaro uyewo vachishandira munzvimbo dzakachena kwete musango kana mumapako,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Vanoyambirawo veruzhinji kuti vangwarire maporofita nen’anga dzenhema avo vanofamba vachiti vari kuchenesa misha asi ari maguruvhani vachitsotsa vanhu zvipfuyo nehumwe upfumi hwavo.

“Zororo reKirisimasi raswedera, makambani mazhinji neHurumende yedu vashandi vari kupihwa mari dzekutendwa dzemabhonasi uye vamwe vane vana vari kunze vachitumirawo zvinhu zvakasiyana. Saka makoronyera aya ari kufamba achiedza kubira vanhu mari dzavo.”

Bishop Nyaruvenda vanoti maporofita nen’anga dzechitsotsi vanotobheja kuti vanodya vose mari dzemabhonasi aya vachishandisa chikiribidi chavo.

“Izvozvi tinonzwa mashoko anoti n’anga nemaporofita vechitsotsi vari kufamba kunzvimbo dzinosanganisira Chiweshe, Guruve, Mt Darwin, Bikita, Mwenezi neHurungwe vachibira vanhu mari. Inyaya iri pachena kuti vanhu ava vanokanda zvinhu zvinosanganisira nyoka, madumwa nenyanga mudzimba dzevanhu asi vazonyepa vachiti ndezvehuroyi, vobhadharisa mombe nezvimwe zvakasiyana kumhuri idzi,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey