Uncategorized

‘Nhuna dzedu kuti tibaiwe’

25 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
‘Nhuna dzedu kuti tibaiwe’ Gillian Chinzete

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MASANGANO anomirira vanorarama nehurema anoti vanhu ava vari kusangana nematambudziko apo vanenge vachida kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 izvo zvinozokonzera kuti vazhinji vavo vapedzisire varega kubaiwa.
Vane hurema kumaruwa nekumadhorobha vanonzi vari kushaya ruzivo rwakakwana pamusoro pemajekiseni aya.

Gillian Chinzete, uyo anova programmes co-ordinator kusangano reCentre for Community Economics and Development, anoti vane hurema vari kudarikwa nechirongwa chekubaiwa nhomba ichi nemhaka yekuti havakwanise kusvika kune dzimwe nzvimbo dzinenge dzichibairwa vanhu.

“Vanhu vane hurema hwemitezo vane dambudziko pakufamba. Zvipatara zvizhinji zviri kubaya vanhu, kunyanya kumaruwa, zviri chinhambwe nekunenge kuchigara vamwe vanoda kubaiwa. Izvi zviri kukanganisa vanorarama nehurema nekuti havakwanise kuenda kunzvimbo idzi sezvo vachinetseka pakufamba.

“Vamwe vacho havana ruzivo rwakakwana pamusoro pedenda reCovid-19 uye nezvekubaiwa. Vamwewo vanorarama nekusaona havana ruzivo nekuti zvizhinji zvakanyorwa nerunyoro rwunoda kuverenga nemaziso kwete zvinoverengwa nevasingaone (braille),” anodaro Chinzete.

Nyasha Museruka, uyo anorarama nehurema uye anova munyori mukuru kusangano reZvimiririre/Zimele Disability Zimbabwe, anotsinhira mashoko aya achiti panofanira kuva nezvirongwa zvevashandi veutano vanofamba munharaunda dzakasiyana (mobile clinics) vachibatsira vane hurema.

Nyasha Museruka

“Vamwe vacho havasi kunyatsoziva kuti nhomba iri kutaurwa nezvayo iyi inoshanda sei uye kuvanhu vakaita sei. Vamwe havazivi kuti hurema hwavainahwo hunoita here kana kuti hahuite kuti vabaiwe. Nyaya yenhomba yakauya tichiri mubishi kuda kugadzirisa kuti vane hurema vawane ruzivo ruzere pamusoro pedenda reCovid-19,” anodaro.

Museruka anoti kune vanhu vasingaoni nevasiganzwi avo vane nzira dzavo dzekuverenga uye kunzwa nadzo dzakasiyana nevane humwewo hurema hwemitezo.

“Kuzvipatara zvedu hakusati kwava nanamukoti vanonzwa kutaura kwevanhu vasinganzwe (sign language). Zvinoremera munhu asinganzwi kuti aende pachipatara paanosangana nevanhu vasinganzwisise zvinoreva maoko ake kana achitaura. Zvakakoshawo chaizvo kuti munhu asati abaiwa atange atsanangurirwa kuti nhomba iyi inoshanda sei.

“Zvese izvi hazvisi kuwanikwa muzvipatara medu zvinova zviri kukanganisa kubaiwa kwevane hurema. Tinoshuvirawo kuti dai muzvipatara mave nanamukoti vanokwanisa kubatsira vane hurema uye kuti kunzvimbo dziri kure vezveutano vafambe nemotokari vachibaya vanhu munharaunda,” anodaro.

Pari zvino vanhu vachiri kubairwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 muzvipatara nemakiriniki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey