Nyachide ogadzikwa mudhishi navahosi

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Nyachide ogadzikwa mudhishi navahosi

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
NYACHIDE wekuti anogara achidashurwa kurohwa navahosi pabarika ravo vachipomerwa kufurira murume kuti amurambe nekuti achembera akazopotera kudare redzimhosva. Fiera Chindindi wekuWaterfalls, akamhan’arira Lilosa Handimo kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza kumba zvose nekubasa kwake kuburikidza nekumutukirira nekumurova.

“Maiguru vangu havadi kana kundiona uye chinondishamisa ndechekuti ndivo vanondivinga kubasa kwangu panhamba 1059 Hilton Park, kuWaterfalls. Ini handiende kumba kwavo nekuti ndinozviziva kuti havandifarire,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti, “Vanouya kubasa kwangu votanga kundituka zvinyadzi. Havazvitarise zvekuti pane vanhu kana vanyarikani. Chinangwa chavo ndechekuda kungondinyadzisa saka chikumbiro changu ndechekuti dare rivadzivise kusvika kumba kana kubasa kwangu,” akadaro Chindindi.

Hondimo akaudza dare kuti akange asingazive kuti Chitindi ndinyachide pabarika ravo sezvo murume wake asina kumbobvira amuudza kuti ane mudzimai wechipiri.

“Zvaari kutaura mukadzi uyu zvekuti mudzimai wechipiri wemurume wangu handizvizive nekuti ini murume wangu haana kumbondiudza kuti kwave namainini. Anotoita zvake zvechipfambi nemurume wangu achimuvharira kumba kwake ini ndichifa nenzara nevana iye achidya mari yese,” akadaro.

Anoti Chitindi anomunyomba achimuti achembera uye haachagona kuchengeta vana. “Anotuma murume wangu kuti atore vana agare navo achiti ini ndachembera handichagona kuvachengeta. Anonditi ndapera basa handichagona bonde iye ndiye achiri kutemwa dzinobva ropa. Kutaura kuno, murume wangu haachazive kudzoka kumba. Hapana kana sendi randinowana achingopedzera mari yose kupfambi yake iyoyi,” akadaro Hondimo.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Chindindi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey