Uncategorized

Nyakuzviuraya murume aroora mumwe mukadzi avigwa

24 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Nyakuzviuraya murume aroora mumwe mukadzi avigwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI ange achishanda semurairidzi  kuMadziva, mudunhu reMashonaland Central – uyo akafa anwa muchetura mushure mekusawirirana nemurume wake anova mupurisa – avigwa nhasi kumusha kwevabereki vake kuKadoma.

Kupesana netsika yechivanhu inoti munhu anenge azviuraya mutumbi wake haurariswe mumba, chitunha chaAuxillia Matukudure chinonzi nezuro chakarariswa mumba kuMadziva chisati chazoendeswa kuKadoma uko kwaakakurira.

Vanotaura vanoti izvi zvaitirwa kuti mweya wake umuke uye kuti ugofurufusha mudzimai mudiki uyo anonzi akaroorwa nemari yaMatukudure yainge yatorwa asingazvizive nemurume wake, Norman Murire.

Matukudure akashaya musi wa18 mwedzi uno apo akanwa muchetura vanetsana nemurume wake.

Mari yaMatukudure yemukando iri kunzi yakakonzera gakava inonzi yaisvika US$2 500.

Nhasi mangwanani pamboitwa hurongwa hwekuti mutumbi wemukadzi uyu udarike nekuHarare Agriculture Show Grounds, kuitira kuti masahwira ake ayo aaita nawo mikado muzvirongwa zveFast-Movers  pamwe nemadzimai eUmhare, vaonekedzana nemumwe wavo. Asi izvi zvazokona sezvo mutumbi uyu uchinzi wabviwa nawo kuMadziva runyanhiriri ndokungonangwa nawo kumakuva kuKadoma.

Zvakare, kune mashoko anoti vamwe vaive parufu kuMadziva, avo vakaenda kunoratidzira nemusi weChitatu kumba kwemukadzi mutsva ari kungozivikanwa saGracious, vakazosungwa nemapurisa mushure mekutyora mutemo uri maringe nerunyararo uye kukonzera mhirizhonga.

Matukudure anonzi aradzikwa kuKadoma asi mbatya dzake dzinonzi hadzina kutakurwa sezvo dzasiiwa mumba kuMadziva.
Zvichakadaro, mapoka anomiririra madzimai nevanasikana vari kunyunyuta nenhau dzemhirizhonga mudzimba.

Mudzimai uyu anonzi akasiya aoneka murume wake achiti haazofi akawana rugare nemudzimai wake mutsva anova mashoko  anonzi akaiswa paWhatsApp status yake ekupedzisira.

Mapurisa anoti havana chipomerwa kumurume wake sezvo iye mufi akadura kuti akanwa muchetura panguva iyo akanga achiri muchipatara.

Auxillia anonzi akarwadziwa zvekare kuona mifananidzo yekuroorwa kwaGracious iyo inonzi yakatumirwa kwaari.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe vanoti vakatambira nyaya iyi.

“Takatambira nyaya yemudzimai akashaya mushure mekunwa muchetura apo ainge anetsana nemurume wake nenhau dzekusavimbika. Mushure mekunetsana, akaoneka murume wake achibva anwa muchetura.

“Akaendeswa kuchipatara akapihwa mubhedha asi akazoshaya muzuva rakatevera. Hatina chakaipa chatinofungidzira panyaya iyi sezvo mufi achifungirwa kuti akatora muchetura uye akatombotaura nezvazvo asati ashaya,” vanodaro.

Inspector Mundembe vanoyambira veruzhinji kuti vatsvage mazano kana vachinge vawirwa nematambudziko uye kuti vatange varangarirawo vana vanozosara vari nherera vasati vatora matanho erudzi urwu.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu Sekuru Peter Maponda vanova nhengo yesangano reZimbabwe National Practitiner’s Association (ZINIPA) vanotiwo kana munhu achinge afa nenzira yekuzviuraya kana kuzvisungirira, mutumbi wake haupinzwe mumba.

“Mutumbi wemunhu anenge afa nekuzviuraya unongobva kuchipatara wakanakaga kumakuva uye mbatya dzake hadzigoverwi vanhu asi dzinopiswa kana kukandwa muguva. Hakuna chionekedzano chekuona chiso chake uye vanhu vanomuviga vachitukirira mweya wekuzviuraya kuti usaramba uchitenderera mudzinza kana mumusha.

“Kana akapinzwa mumusha munoita rushambwa rwekuzviuraya hwevanhu,” vanodaro.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda, vanova mutungamiriri wesangano reZINIPA vari zvekare mutungamiriri wekereke yeSangano Dzvene Revapositori vanotiwo kuzviuraya hakutenderwi pamurawo waMwari.

“Kana vanhu vakatadzirana ngavadzidze kuregererana uye ndinokurudzira kuti muwanano muve nenhaurwa yakanaka pakati pevaviri pane kuita zvekuhwandirana. Kana pava nekuhwandirana panenge pasisina kuvimbana.

“Kana murume achida kuroora mudzimai wechipiri, mukadzi wekutanga anofanira kuziviswa pane kuzonzwa nemakuhwa nekuti zvinomutsa makuva pasi seizvi. Kuvimbana ngakuve mudzimba nguva dzose,” vanodaro.

Munguva pfupi yadarika, Zimbabwe yakacherechedza zuva rekurwisa nyaya dzemhirizhonga re16 Days Against Gender Based Violence uye paongororo yakaitwa zvakaonekwa kuti mhirizhonga zhinji dziri kuitika pakati pevanhu vari muwanano, vanodanana kana vakarambana. Zhinji dzacho dzinoguma nemakuva kana kuremadzana pamwe nekushungurudza vana apo vanosara vava nherera zvichipa mikana yekuti vazombunyikidzwawo muupenyu sezvo vanenge vasisina chengetedzo yakarurama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey